‘Musaite jee neCovid-19’

20 Nov, 2020 - 15:11 0 Views
‘Musaite jee  neCovid-19’ Dr Tedros Ghebreyesus

Kwayedza

 Tandayi Motsi

SANGANO rinoona nezveutano pasi rose, reWorld Health Organisation (WHO), rinoti chirwere cheCovid-19 hachizi chekutamba nacho sezvo chichikwanisa kukanganisa nhengo ipi zvayo yemuviri wemunhu uye nyika dziri kurega denda iri richipararira dzisingatore matanho akasimba ekuridzivirira dziri kutamba nemoto.

Vachitaura kuvatori venhau vari kumuzinda wavo uri kuGeneva, kuSwitzerland svondo rino, mukuru weWHO, Dr Tedros Adhanom Ghebreyesus vanoti sangano ravo rinoshushikana zvakanyanya nekuwanda kuri kuita vanhu vari kubatwa neCovid-19, kunyanya kumatunhu ari kuEurope nekuAmerica.

“Covid-19 hachizi chirwere chekutamba nacho, chinokwanisa kukanganisa nhengo ipi zvayo yemuviri. Nyika dziri kurega denda iri richipararira dzisingatore matanho akasimba ekurirwisa dziri kutamba nemoto.

“Kushaya hanya nekudzivirira chirwere ichi – nekusatevedzera matanho akatarwa ekumisa – zvinokonzera rufu, kutambudzika nekukanganiswa kweupenyu hwevanhu pamwe nebudiriro yeupfumi,” vanodaro.

Dr Tedros vanoenderera mberi: “Haizi sarudzo pakati peupenyu kana mararamiriro evanhu. Nzira inoita kuti zvikamu zveupfumi zvivhurwe kukunda hondo yekurwisa chirwere ichi.”

Vanoti zvakakosha kuti vashandi vezveutano vari pamberi panyaya dzekurwisa kupararira kweCovid-19 vawaniswe midziyo yakakwana yekuzvidzivirira.

“Ino haizi nguva yekuti tivarairwe. Vashandi vezveutano vari pamberi mukurwisa chirwere ichi vari kuita basa guru munyika dzose. Tinofanirwa kutora matanho ekuvachengetedza nekuona kuti vane midziyo yekushandisa yakakwana – kunyanya panguva ino apo huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi huri kukwira uye varwere vachizara muzvipatara,” vanodaro Dr Tedros.

Vanoti kunyangwe zvazvo paine tariro yekuti nekufamba kwenguva pachange pave nemushonga (vaccine) unodzivirira vanhu kuti vasabatwe neCovid-19, zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachitevedzera matanho ekuzvidzivirira.

WHO, vanodaro Dr Tedros, iri kuramba ichipa rubatsiro rweruzivo nemidziyo nechinangwa chekutsigira vanoona nezveutano.

“Pari zvino, WHO ine zvikwata 150 zvenyanzvi dzezveutano dziri kubatsira nyika panhau yekuronga uye kufambisa basa rekurwisa chirwere ichi.

“WHO nevainoshanda navo iri kusevenzawo nehurumende nevatungamiriri vezveutano mukuona kuti vashandi vezveutano vanenge varwara vanobatsirwa sei,” vanodaro Dr Tedros.

Share This:

Sponsored Links