Uncategorized

Musakuvadze vatengi: CZR

04 Mar, 2021 - 17:03 0 Views
Musakuvadze vatengi: CZR VaDenford Mutashu

Kwayedza

Malven Mugadzikwa

MUTUNGAMIRI wesangano rinomirira vezvitoro, reConfederation of Zimbabwe Retailers (CZR), VaDenford Mutashu, vanoti kukwidzwa kuri kuitwa mitengo yezvinhu zvakasiyana kuri kukakanganisa vatengi zvakanyanya sezvo mari iri kunetsa kuwana panguva ino apo nyika iri kurwisana nechirwere cheCovid-19.

VaMutashu vanoti mitengo iri kuramba ichikwira zvisinei nekuti vashandi vakawanda mari yavanotambira haisi kuwedzerwa.

“Ongororo yatakaita sesangano inoratidza kuti mitengo iri kukwira zvakanyanya kumaRTGs kana tichienzanisa nekutenga nemari yekunze. Izvi zviri kukanganisa vanhu vazhinji nekuti vanotengawo neRTGs sezvo ndiyo yavanonyanya kuwana,” vanodaro VaMutashu.

Vanoti sangano ravo rakaita tsvakurudzo ndokuona kuti mimwe mitengo muzvitoro iri kukwidzwa nekuda kwezvikonzero zvinosanganisira kuti makanzuru mazhinji akakwidza mari yemitero inobhadharwa nezvitoro zvinoita kuti vezvitoro vakwidzewo mitengo yezvinhu zvavo.

VaMutashu vanoti vamwe vezvitoro vakakwidzwa mitengo yezvinhu zvavo mushure mekunge mari inobhadharwa pamatollgates yakwidzwawo.

“Vamwewo vezvitoro vakakwidza mitengo panguva apo veruzhinji vakanzi vamire kuenda kumabasa uye zvitoro zvidiki nevemabhizimisi madiki vakanzi vasavhure. Pakadai zvinoita kuti vashoma vakavhura vatore mukana wekukwidza mitengo vachiziva kuti vatengi havana kwekuenda zvinova zvinokuvadza vatengi,” vanodaro VaMutashu.

Vanoenderera mberi vachiti, “Tinotarisira kuti panguva dzakaita seidzodzo vemabhizimisi madiki nevezvitoro zvidiki vanzi vavhure sezvo vamwe vanenge vave kutora mukana uyu nekukwidza mitengo zvisina tsarukano. Vanhu vazhinji havana mari, kumabasa hakusi kukwidzwa mari yemuhoro sekukwira kwemitengo uye vazhinji vanga vasingaende kumabasa apo vamwe vakatomiswa nekuda kweCovid-19.”

VaMutashu vanoti vane tarisiro yekuti nekufamba kwenguva mitengo yezvinhu ichaderedzwa zvichitevera kugadzikana munyaya dzehupfumi hwenyika.

Share This:

Sponsored Links