Uncategorized

Musakwidze mitengo: CZR

21 Nov, 2021 - 13:11 0 Views
Musakwidze mitengo: CZR VaMutashu

Kwayedza

Malven Mugadzikwa

VEZVITORO vokurudzirwa kuti varambe vachitevedzera mitemo yakanangana nekuderedza kupararira kwedenda reCovid-19 uye kuti vasakwidze mitengo yezvinhu zvisina tsarukano apo zororo reKirisimasi rave pedyo sezvo iri nguva iyo vatengi vanotora mukana wekutenga zvakasiyana-siyana.

Mutungamiriri wesangano rinomirira vezvitoro reConfederation of Zimbabwe Retailers (CZR), VaDenford Mutashu, vanoti kuvepo kwezororo reKirisimasi hakufaniri kuita kuti veruzhinji vakanganwe nezvedenda reCovid-19.

“Covid-19 ichiriko uye ngatingwarirei kutevedza zvakatarwa neHurumende pamwe chete nesangano rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisation (WHO) zvakadai sekupfeka mamasiki, kugeza maoko nemvura ine sipo kana kushandisa sanitizer uye kurega kuungana. Pachaita kufamba kwakanyanya nekushanyirana kweveruzhinji naizvozvo ngatingwarirei kutevedza zvakatarwa,” vanodaro VaMutashu.

Vanoti vezvitoro havafaniri kutora mukana wekuti veruzhinji vachange vachitenga zvinhu zvakawanda vokwidza mitengo zvisina tsarukano.

“Tinozviziva kuti mwedzi uno vashandi vazhinji, kunyanya veHurumende, vachapihwa mari yemabhonasi saka vakawanda vavo vachange vachitenga zvakasiyana izvo zvinosanganisira zvekudya paKirisimasi nekuita mitambo yekuungana vachidya. Uyu hausi mukana wekuti vezvitoro vakwidze mitengo yezvinhu zvavo, kunyanya zvekudya nehembe. Havafaniri kukwidza mitengo zvisina tsarukano nekuti kune vamwe vanenge vasingakwanise kutenga zvisinei nekuti inguva yekufara uye vamwe vanenge vaine mabhonasi,” vanodaro.

VaMutashu vanoti pari zvino vezvitoro vari mubishi kuzadza zvitoro zvavo kuitira kuti nguva yeKirisimasi isvike zvakazara nezvekudya nezvimwe zvinodiwa zuva nezuva neveruzhinji.

Nguva pfupi yadarika, bhengi guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe (RBZ) rakaita zvibvumirano zvine chitsama nevemabhizimisi zvakananga kuona kupedzwa kwekatsika kekukwidza mitengo yezvinhu zvakasiyana-siyana zvisina tsarukano.

Vamwe vemabhizimisi vari kukwidza mitengo zvisinei nekuti vanowana mari yekunze yakachipa pamusika (auction system).

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey