‘Musamedzwe nezvinodhaka’

09 Nov, 2022 - 16:11 0 Views
‘Musamedzwe nezvinodhaka’ Tongai 'Chirandu' Tarubona

Kwayedza

Abel Ndooka

MUIMBI weAfro-fusion – Tongai ‘Chirandu’ Tarubona – ari kukurudzira vechidiki kuti vaite mabhindauko emawoko akasiyana kuitira kuti vawane pundutso muupenyu hwavo pane kuswera vakagara “pazvikona” vachifurirana kutora zvinodhaka semutoriro.

Chirandu, uyo achangobva kubura dambarefu rake rechi13 – Kakatanai – akatsikisa kambo kanonzi Mutoriro neMjolo kari padambarefu rake iro rizere nenziyo dzinobata nyaya dzinoitika muupenyu hweveruzhinji.

Chirandu anoti zvinodhaka zvakaita semutoriro, gukamakafela, mbanje nebronco zviri kutadzisa vechidiki kuzvirongera remangwana ravo.

“Vechidiki vedu vari kumedzwa nezvinodhaka zvakaita semutoriro, gukamakafela, bronco nezvimwe. Saka ibasa redu sevaimbi uye vatungamiri vemunharaunda kuti tibatane tirwise dambudziko iri.

“Zvokwadi ukaona zvaita vechidiki vemazuva ano unorwadziwa nekuti mutoriro waparadza vakawanda. Saka ini kurudziro yandiri kupa vechidiki ndeyekuti ngavashandise mawoko avo vaite mari vawane zvinovararamisa pane kuswerera kutora zvinodhaka nekuti hazvina zvazvinovapa.

“Iko kuswera vakagara ‘pazvikona’ nemumabhiriji ndipo vanenge vachifurirana kuita zvisina basa. Ndinoti vechidiki shandisai pfungwa dzenyu kuita mari muzviraramise, musaite nhapwa yemutoriro,” anodaro.

Dambarefu rake idzva iri rine nziyo dzakaita saKakatanai, Makwerekwere, Hondo Dzemhepo, Touchline uye Hama Dzako.

Muimbi uyu ane mukurumbira nenziyo dzakadai saStress, Ndazvitadza, Monica, Ziso, Vatete neMaminimini Pakirawa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey