‘Musamhanye kusaina kondirakiti’

10 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
‘Musamhanye kusaina  kondirakiti’ Tanaka Muradzi

Kwayedza

Abel Ndooka

KAMBANI inomirira vatambi vemitambo yakasiyana yeSafel Insurance inoti zvakakosha zvikuru kuti vasangomhanya kusaina makondirakiti avanenge vapihwa kunze kwenyika vasina ruzivo rwuzere pamusoro pawo sezvo vamwe vavo vari kupedzisira vambunyikidzwa.

Marketing manager weSafel Insurance, Tanaka Muradzi, anoti kune vamwe vatambi vari kuzochema apo vanenge vave kunze kwenyika mushure mekuona kuti zvinenge zvoitika handizvo zvavanenge vakavimbiswa.

“Tinoona vatambi vakawanda vachimhanya kuenda kunze kwenyika vachifunga kuti vawana pundutso asi pavanozodzoka vanenge vari mawoko chete pasina chisvinu chavanenge vanacho. Saka isu tiri kuti sekambani huyai tikumirirei muwaniswe zvakakodzera zvinoenderana nemabasa enyu amunenge muchiita.

“Kuve mutambi wenhabvu, rugby, cricket kana wekumhanya mujaho chaiwo unogona kunzi handei kunze kwenyika asi mumwe munhu akuendesa okudyira mari yese iwe wosara usina kana zuda chairo. Hazvina kunaka chose saka tsvagai vanokumirirai kuti musasangane nematambudziko aya,” anodaro Muradzi.

Parizvino kambani iyi inoti iri kumirira vatambi vanosanganisira veBlack Rhinos Queens nevemimwe mitambo.

Muradzi anoti kune vamwe vanhukadzi vanoita mitambo yakasiyana vari kubatirirwa mubasa ravo.

“Isu pari zvino tiri kushanda nemadzimai tichivamirira kuti basa ravo rifambe zvakanaka, vasambunyikidzwe, vapihwe zvinokodzera nebasa ravo ravanenge vachiita,” anodaro Muradzi.

Share This:

Sponsored Links