Musanganiswa wemitauro

22 Feb, 2019 - 00:02 0 Views
Musanganiswa wemitauro Prince Kudakwashe Bosha

Kwayedza

Daphne Machiri
MUMWE munyori wemabhuku ari kusimukira anoti veruzhinji vanofanira kukoshesa mitauro inovandudza tsika nemagariro avo.

Prince Kudakwashe Bosha (25) anoti akatanga kunyora mabhuku nedonzvo rekusimudzira mutauro weShona pamwe nemimwe yemuAfrica.

“Mitauro yedu yave kuonekwa seisingareve chinhu nekuda kwekuti vanhu vazhinji havachina hanya nekuiverenga zvose nekuinyora. Ndizvo zvakandipa shungu dzekunyora bhuku rine mitauro yeShona, Ndebele, Xhosa, Kiswahili, Sotho nechirungu,” anodaro Bosha.

Anoti chimwe chakaita kuti anyore bhuku remusanganiswa yemitauro chishuwo chekuda kubatanidza vanhu vemuAfrica.

“Bhuku iri rinonzi Mapambano Yangu, rine zita remutauro weKiswahili uyo unotaurwa kunyika dzinosanganisira Kenya neTanzania.

Zita iri rinotsangudza raramo yevatema sematambudziko avanosangana nawo nekubudirira kwavanozoita uye tsika nemagariro avo,” anodaro Bosha.

Anoenderera mberi achiti, “Bhuku rangu rinodzidzisa kuti vechidiki vanofanirwa kushingirira neupenyu, hapana chinouya wakagara.”

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>