Musanganiswa wenhetembo nemhanzi

21 Feb, 2020 - 00:02 0 Views
Musanganiswa wenhetembo nemhanzi Takudzwa “VaChikepe the Poet” Chikepe

Kwayedza

Abel Ndooka
NYANDURI ane mukurumbira Takudzwa Chikepe anoti ari kuvhenganisa mhanzi nenhetembo izvo zviri kubatsira zvikuru kuti dzidziso yake isvike kumazera evanhu akasiyana.

Chikepe mumwe wevananyanduri vechidiki vari kusimukira izvo zvakamuona makore adarika achienda kunyika dzakasiyana dzekuEurope kunorakidzira mabasa ake.

Muhurukuro neKwayedza, muchinda uyu — uyo anozivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti ‘VaChikepe the Poet’ — anoti vamwe vechidiki vemazuva ano havachada zvekuverenga nhetembo kana mabhuku nekudaro akaona zvakakodzera kuti ave nemusanganiswa wenziyo nemadetembo.

“Mazuva ano vechidiki havachadi zvekuverenga nhetembo uye mabhuku, vamwe vanoswera vakagara pazvikona vachiterera mhanzi. Saka ini ndakati regai ndivarongere ndipo ndakatanga kutsikisa mhanzi asi ndichidetemba izvo zvandiri kuona kuti zviri kubatsira zvikuru nekuti shoko randinenge ndichiparidza rinosvika kwavari chete,” anodaro.

Chikepe anoenderera mberi achiti, “Zvenhetembo zvatove muropa, ndakazvitanga ndichiri kuchikoro chaiko, ngakagara ndiri nyanduri uye ndaifarira zvekungonyora tunyaya tunonakidza. Iye zvino ndakwanisa kuenda kunyika dzakasiyana dzimwe dziri kuEurope kuburikidza nekunyora nhetembo.”

Anoti nziyo dzaakavhenganisana nenhetembo dzinosanganisira Gore Rapera, Hexagon Revelation, Dreams naThe Forest in my Plate.

Svondo rega-rega, anodaro Chikepe, iye nevamwe vananyanduri vanosangana kuPakare Paye Arts Centre, kuNorton vachirakidza mabhuku nenhetembo dzavo kune veruzhinji vanenge vachiuya kuzovaona.

“Tinosangana Mugovera wega kuPakare Paye Arts Centre apo tinenge tichikweshana ananyanduri tichidetemba zvekudetemba zviye uye tichirakidzana mabasa edu. Zviri kubatsira kushandura hupenyu hwevazhinji uye kana vanhu vakasiyana vave kuuya kuzotiona vamwe vachitokumbira kubatsirwa kunyora nhetembo,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey