Musangano weGoat Indaba 2019 woitwa

13 Sep, 2019 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Munyori weKwayedza

NECHINANGWA chekusimudzira bhizimisi rekuchengetwa nekutengeswa kwembudzi muZimbabwe, sangano reGoat Breeders Association of Zimbabwe (GBAZ) richaita musangano weGoat Indaba nemusi wa18 Gunyana  paHenderson Research Institute kuMazowe.

Pamusangano uyu, ndipo pachaparurwa zvakare chirongwa cheZimbabwe Agricultural Growth Programme Goat Value Chain Initiative.

GBAZ isangano rakavambwa muna2018 nechinangwa chekusimudzira kupfuyiwa nekuchengetedzwa kwembudzi uye kuti pave nekuuchikwa kwembudzi dzemhando yepamusoro muZimbabwe.

Sangano iri rinoona zvakare nezvematambudziko aripo pakupfuyiwa nekutengeswa kwembudzi, kudzidziswa kwevarimi nezvekuchengetwa kwembudzi uye kuti mbudzi dzingachengetwe sei kuti rive bhizimisi.

Huwandu hwembudzi muZimbabwe hunonzi hunogona kudarika 3,8 miriyoni uye zvikamu makumi mapfumbamwe nezvishanu kubva muzana (95%) imbudzi dzinochengetwa nevanhuwo zvisiri zvebhizimisi.

Kudyiwa kwenyama yembudzi pasi rose kunonzi kuri kuwedzera uye muAfrica muri kudyiwa mbudzi dzine huremu hwematani anosvika 400 miriyoni pagore.

MuZimbabwe, mbudzi dzirimo hadzisi kukwanirana nedzinodiwa nevanhu kuti vange vachidya nyama yacho.

Kupfuyiwa kwembudzi kunoda nzvimbo diki uye dzikachengetwa zvakanaka dzinorerutsa nyaya yenzara munyika uye dzine kudya kunovaka muviri zvichidzingawo kutambura.

Mabasa anoitwa neGBAZ anosanganisira kudzidziswa kwevarimi vembudzi vari pasi pesangano iri, kupakura ruzivo maererano nekuchengetwa, kuuchikwa pamwechete nekutengeswa kwembudzi uye kufambisa zvirongwa zvinorerutsa kuchengetwa zvakanaka kwembudzi.

GBAZ inoshanda pamwechete nemamwe masangano anoona nezvekuchengetwa nekuuchikwa kwembudzi kubva kunyika dzakaita seSouth Africa neNamibia.

Inokurudzira vese vari pasi pesangano iri kuti vakwanise kushandisa nzira dzemhando yepamusoro mukupfuya mbudzi.

GBAZ yakabatanawo zvakare nesangano reZimbabwe Herd Book iro rinoona nezvekunyoreswa kwemarudzi akasiyana-siyana ezvipfuyo.

Kupfuyiwa kwembudzi kunopa varimi mukana wekuti vadzipfuye muzvikamu zvakasiyana zvichienderana nenzvimbo yavainayo kana zvikonzero zvekupfuyira mbudzi dzacho.

Mbudzi dzakanakira pakuti hadzibatwe-batwe nezvirwere uye hadzina zvakawanda zvadzinoda pakuchengetwa kwadzo.

Musangano uyu uchaitwa pasi pedingindira rinokurudzira kuchengeta mbudzi sebhizimisi.

Sachigaro wesangano reBoer Goat Breeders’ Society of Namibia, Stephan Botes, achataura pamusangano uyu maererano nekuuchikwa, kuchengetwa nekutengeswa kwembudzi pamusika kuNamibia uye nekuti Zimbabwe ingadzidza zvipi pakuchengetwa nekutengeswa kwembudzi. Nyanzvi panyaya dzekupfuyiwa kwembudzi dzemhando dzakasiyana dzemuZimbabwe – Joe Sikosana – achataurawo zvakare pamusangano uyu achitsanangura kuti mhando idzi dzinodairira sei kumamiriro ekunze.

Chikwata chenyanzvi mune zvekuchengetwa kwembudzi chichatungamirawo panhaurwa dzezvekuchengetwa kwadzo vachipawo ruzivo kune vachange vari pamusangano uyu zvinosanganisira machengeterwo embudzi, hutano hwadzo, chikafu chadzinofanira kudya uye kuti dzinokwanisa kunzi dziwande sei nezvekuuchikwa kwemarudzi epamusoro-soro embudzi.

Varimi vembudzi vachange vachidzidziswa zvakare kuti vanochengetedza sei minda yavo yavanodzipfuyira.

Chirongwa cheGoat Value Chain Initiative – icho chiri pasi peZimbabwe Agricultural Growth Programme – chichaparurwa zvakare pamusangano uyu.

Chirongwa ichi chichaitwa kwemakore mana nesangano reAction Aid Zimbabwe yakabatana neCOSV, Mercy Corps pamwechete neMichview Enterprises neZvikomborero Farm.

Chiri kuwanawo rutsigiro kubva kuMatopos neGrasslands  Research Institutes.

Musangano uyu uchapindwa nemapoka akasiyana kusanganisira vane tarisiro yekuti vachazoitawo bhizimisi rekupfuya mbudzi.

Share This:

Sponsored Links