Musangano wePig Symposium woitwa

04 Oct, 2019 - 00:10 0 Views
Musangano wePig Symposium woitwa

Kwayedza

Munyori weKwayedza
KUNE vanoita zvekupfuya nguruve muZimbabwe nemusi wa10 Gumiguru kuchange kuine musangano wepagore wePig Symposium uchaitwa nesangano rePig Producers Association Zimbabwe (PPAZ).

Chinangwa chePPAZ kumiririra vari mune zvekupfuya nguruve nekudzitengesa kuti pave nekubatana uye nekudzidzisa veruzhinji kuchengetwa kwenguruve kwakanaka kuti dzinge dzichitengwawo pamusika wepasi rose.

Pamusangano uyu, pachaparurwa zvakare chirongwa cheZimbabwe Agricultural Growth Programme Pig Value Chain Initiative chichitungamirirwa neAction Aid Zimbabwe (AAZ).

AAZ iri kubatana nemamwe makambani akazvimirira ari mune zvekupfuyiwa kwenguruve, Bradford Enterprises neShamiso Farms mukuvandudza chirongwa ichi icho chakanangana nekusimudzira kupfuyiwa nekutengeswa kwenguruve muZmbabwe nenzira dzakanaka kupfurikidza nekutengeswa kwenyama yacho yemhando yepamusoro nezvimwewo zvinogadzirwa nenyama iyi.

Chirongwa chichaparurwa ichi chichashandidzanawo zvakare nePig Industry Board (PIB) mukugadzirwa kwemaPork Production Business Syndicates maviri kumatunhu eMashonaland East neMashonaland West.

Chikamu chekupfuyiwa nekutengeswa kwenguruve muno (Domestic Pig Industry):

Chikamu ichi chiri kukura zvakanyanya nekubatana kwakaita Hurumende nevemabhizimusi mukuvandudza matengeserwo engurve.

Parizvino munyika mune nguruve hadzi hombe dzine huwandu hunosvika 19 000 uye dzisakanganiswa dzose dzinosvika 400 000.

Kuuraiwa kwenguruve zviri pamutemo kuri kuwedzera nezvikamu makumi mana kubva muzana (40 precent) kubva pahuwandu hwe120 000 muna2013 kusvika pa170 000 muna2018.

Kuwedzera kwekupfuyiwa kwenguruve munyika zvichitevera kuderera kwadzakamboita muna2000 kwakawedzera kupfurikidza nekudzidziswa kwevanhu maererano nemari inodiwa pakuchengetwa kwadzo, chikafu chadzinoda uye kuuchikwa kwenguruve dzemhando yepamusoro. Kuda kwevanhu kudya kunovaka muviri kwakapawo vapfuyi venguruve manyuku-nyuku ekuti vawedzere huwandu hwedzavanopfuya sezvo dzichitengwa zvakanyanya.

Shanduko pasi rose (Global dynamics):

Food and Agricultural Organisation inoti kudyiwa kwenyama pasi rose pasina hove neimwe nyama yezvipuka zvemumvura muna2013  kwaive pa43kg per capita uye nyama yenguruve yaitora 37 percent kubva muchikamu ichi.

MuAfrica, kudyiwa kwenyama kwaisvika pa19kg per capita, nyama yenguruve ichitora 8 percent pachikamu ichi.

ZIMSTA Poverty Income and Expenditure Survey (PICES) inoti muna2013 kudyiwa kwenyama muZimbabwe kwaiva pa9kg per capita uye kudyiwa kwenyama yenguruve kwaitora 5 percent pachikamu ichi.

Makatanwa pakati penyika yeChina neUSA panyaya dzekutengeserana pamwechete nekupararira kwechirwere cheAfrican Swine Fever (ASF) muChina anopa matambudziko kuvapfuyi venguruve vemuZimbabwe kuti vatengese nyama yavo kunze.

Mamiriro ehupfumi munyika akaitawo kuti vari mune zvekupfuya nguruve muZimbabwe vasangane nematambudziko mukupfuya nguruve nekutengesa nyama yavo. Izvi zvinosanganisira kudhura kwechikafu chengurve nemishonga.

Hutano:

Pasi rose kupararira kuri kuita ASF kuri kushungurudza vari mune zvekurapwa kwezvipfuyo. ASF inokonzera kufa kwakanyanya kwenguruve dzekupfuya.

Nyika yeChina yakabatwa zvakanyanya nedambudziko reASF uye nguruve dzeko dziri kufa zvikuru zvekuti mugore ra2019 dzakaderera nechikamu che39 precent.

MuSouth Africa zvakare chirwere ichi chakasvika kunzvimbo dzeNorth West, Mpumalanga, Gauteng uye kuFree State kunyanya kuvarimi vadiki.

MuZimbabwe chirwere ichi chakabata nguruve kunzvimbo dzinoganhurana nedzimwe nyika uye vapfuyi venguruve vari kukurudzirwa kuti  vachengetedze nguruve dzavo zvakanyanya.

Symposium 2019:

Musangano uyu uchaitwa kwezuva rimwechete uye uye ucharangaridza vapfuvi venguruve kuti vazive kudzipfuya nenzira dzakanaka uye kuti vovandudza sei bhizimisi ravo.

Musangano uyu uri kukokwa wese akasunguka kuuya uye kuchange kuine vanenge vachiratidzira zvakasiyana-siyana zvinoenderana nekupfuyiwa kwenguruve.

Share This:

Sponsored Links