
Tandayi Motsi
HURUMENDE haikanganisi mafambisirwo anoitwa basa nenhepfenyuro yeZimbabwe Broadcasting Corporation (ZBC) sezviri kuburitswa nemamwe masangano enhau epadandemutande.
Mumashoko avo, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenhepfenyuro, Dr Jenfan Muswere, vanoti nhepfenyuro yeruzhinji inongowana gwara chete, kwete zviri kutaurwa nemamwe masangano ezvenhau epadandemutande ayo ane chinangwa chekusvibisa zita reHurumende.
“Bazi rezvekuburitswa kwemashoko nenhepfenyuro rinoshungurudzika nemanyepo ari kuburitswa nemamwe masangano ezvenhau epadandemutande pamusoro pemafambisirwo ari kuitwa mabasa eZimbabwe Broadcasting Corporation ayo ane chinangwa chekusvibisa zita reHurumende.
“Bazi rinoda kubuda pachena kuti bhodhi nemukuru ndivo vane basa rekutungamirira ZBC sezviri pamutemo wePublic Entities and Corporate Governance Act. Kupihwa mabasa kwevashandi kuZBC ibasa rebhodhi nemukuru mukuru weko.
“Ndinokurudzira vese vezvenhau kuti vaite basa ravo sezvinotarisirwa pasi pechikamu cheSection 61 cheBumbiro reMutemo neCyber and Data Protection Act. Ndinokurudzira zvakare masangano ezvenhau kuti vatevedzere hunhu hwakanaka hwekutapa nhau hunosanganisira kutaura chokwadi uye kushanda nenzira dzakajeka,” vanodaro Dr Muswere.
Chikamu cheSection 61 cheBumbiro reMitemo reZimbabwe chinopa kodzero kune vanoita mabasa ekutepfenyura nevamwe vanoshanda muchikamu chekufambiswa kwemashoko yekuita basa ravo vakasununguka uye pasina kupindira kweHurumende kana vezvematongerwo enyika.