Musanyeberwe nevanozviti Mbuya Nehanda

01 Jan, 2016 - 00:01 0 Views

Kwayedza

MAKOROKOTO eGoredzva ratiri kubata Chishanu chino kumhuri yose yakadyarwa kumativi mana eZimbabwe.

Yeukai kuti 2015 takaritanga sokuseka, asi hezvi, vanhu vakatotamba imwe Kirisimasi svondo rapfuura. Totarisira kuti vanhu vakaonanawo nevasina kwete vokwavo chete nokuti tose tinoziva kuti mari muenzi.

Kwavamwe yakashanya, kumwe iri munzira. Zvinongokavana sokudyara nzungu. Chimwe zvakare ndechokuti, mweni haapedzi dura.

Mukwende kupera kwegore kudai, akatsiga katsigiro kasina kumira zvakanaka. Yangu rwendo rwuno ndeyokukupakurirai zviwanikwa zvatiri kusangana nazvo. Hatichataura kuti kupi, nokuti mukagara makateya nzeve, makavhura maziso, muchazoona kuti zvimwe zviri kubva muchinokoro ichi zviri kubvepi.

Nyaya yokuti homwe, kana kuti pakagara svikiro raNehanda Nyakasikana, inyaya inonetsa nokuti zvinhu zvomweya zvagara zvichinetsa kunyange kune vanonamata chiKristu.

Hakushaikwi vanokambira kuti ndivo. Hakushaikwiwo vanoramba.

Mbiri inombofamba vamwe vachiti ndivo homwe yaMbuya Nehanda. Zvinoshamisa ndezvokuti iwo mukore uno panogozoita homwe dzakawanda sei, makare kare kwaingove nehomwe imwe chete kusanganisira Charwe Nyakasikana akaurawa namaBritish mugore ra1898, akati “Mapfupa angu achamuka?”

Vanogamuchira manyepo aya vanoratidza kusava noruzivo rwokuti mhepo (“spirit”) yaNyakasikana Nehanda yakabva kupi, uyewo kuti munhu anoita homwe yake munhu anenge akaita sei, achirarama sei.

Munhu akangoomba chete, havo, vanhu votopururudza nokubika hwahwa, vasingazivi kuti vari kupururudzira ngozi, vachifunga kuti mhepo yaNehanda yasimuka zvakare. Havanzveri kuti, kuti unzi Nyakasikana Nehanda umire sei.

Asi kune vamwe vatakurukura navo vanoramba zvachose kuti vose vari kuzviti ndivanaMbuya Nehanda ndevechokwadi. Mumwe wacho ndiCde Julian Maodza Murenga Mukomawashe vakazvarwa musi wa22 Nyamavhuvhu mugore ra1960 kudunhu reMbire, kana Dande.

Cde Murenga Mukomawashe, vachitsigirwa navamwe varwi vorusununguko, vanonzi ndivo mumwe wevazukuru vaviri (vazukuru vemhepo) vaNyakasikana Nehanda (Mazviona Kawanzaruwa) akange ari wemhuri yokwaChienderamano, veShava Mufakose.

Iri ndiro zimbuya rakasumwa pakatanga hondo yeChimurenga vari kumusha kwavo kuTsokoto, kuDande nevarwi vorusununguko, vamwe vavo vanove vachiri vapenyu.

Ndivo zvakare vakapa dzimwe mhiko dzaisungirwa kutevedzwa pakarwiwa hondo yorusununguko. Hutungamiri hwamagamba akarwira rusununguko rwunonzi rwakataura navo kuTsokoto.

Mugore ra1972, pakatanga hondo kudunhu reDande, Nyakasikana Nehanda akati atakurwe aendeswe kuChifombo (Zambia), nokuti pane zvierwa zvehondo zvaakange asingadi kuona.

Vamwe varwi vorusununguko vanotiwo, dai vakagara muDande, vakaurawa namabhunu vachinzi ndivo vanopa varwi ava masimba okufambisa hondo, sezvakangoitwa Mbuya Nehanda paChimurenga chokutanga.

Vanonzi vakanga vakura (makore 105), asi zvaiti kana zvasvika vaidedemura zvose zvinosungirwa kuitwa kana kusaitwa. Vakazonoshaikira pakamba yeChifombo, kuZambia mugore ra1972, asi mapfupa avo akazodzorwa kumusha kwavo nyika yawana kuzvitonga kuzere.

Saka, zvanzi musanyeperwe, nokuti kubva ipapo, hapasati pabuda zvakare homwe yaNehanda.

Mugore ra1971 vanonzi vakataura vachiti, “Ini ndinobva kuMesopotamia, handisi wemuno. Ndivo (mabhunu) vandakakutsanangurirai vaye kuti vasina mabvi, ndivava. (Asi), pane vasununguri veropa vachauya kuzonditakura pano, gore rinouya, zvichireva 1972 . . . Kana ndaenda kuKambiya (Zambia), homwe yangu pandakagara (Mazviona Kawanzaruwa) ndipo paichaparara kana kufirako,” vanotsetsenura Cde Murenga Mukomawashe.

Iyi inhangaruvanze yezvimwe zvandakawana panhaurwa nokuti kune kumwe kwazvichanyatsorapanurwa zvizere.

Cde Murenga vanoti, minana yose yaionekwa haina kutangira panguva yehondo: “Handizivi kana makambonzwawo pakarohwa mvura, ikamira kufamba vanhu vakayambuka (kwete zvemuBhaibheri) asi kuti mweya wake unonzi Nyakasikana wakarova mvura kuti tiuye munyika matave kuti Zimbabwe nhasi.

“Iyoyi yamave kuti Zimbabwe, izita ramakazongopawo, asi zita rayo kumhepo (“spiritual realm”) rinonzi CHIVAVARIRA. Zimbabwe inonzi Chivavarira. Yamave kuti Great Zimbabwe nhasi mureza wavakavaka wokuti tasvika, hakuna kwatichafamba. Inyika yakavavarirwa kubva kumhiri yegungwa. Chivavarira ndiro zita repasichigare.

“Chivavarira inzvimbo yange ichishuvirwa kuti dai tikasvika. Ndosaka muchiti mukaverenga mabhuku ehistory, haaburitsi pachena kuti vanhu vakabva kupi. Zvinongonzi, ‘takabva kuGuruuswa’. Vazhinji vanoziva kuti Guruuswa chete, asi iyi yakange pamwe yatove nzvimbo yechitatu kugara.

“Vakambogara munyika inonzi Topia, yamave kuti Ethiopia. Asi vagara muEthiopia imomo, vange vabva mhiri yegungwa.

“Gungwa iroro rakarohwa mvura naNyakasikana vanhu vakayambuka. Vanhu vakatiza huipi mhiri yegungwa – zviya zvokunzi vanhu vakange vasisina mitemo kana mirairo yavakapihwa naMusikavanhu.

“Pakange paine mhepo (spirits) dzaiti Murenga ( vaive baba), Nehanda, naMhindudzapasi (Chaminuka) (vana).

Baba vaibatsirwa nevana, vachiudzwa kuti nyika yandapihwa naMusiki ndeyokuti, asi ichatitorera nguva. Saka ndopavakazobva kuMesopotamia (Yemen) vave kuuya. Vakapfuura nemunyika dzinoti Somalia, Kenya, Tanzania, Ethiopia.

“Murenga akazofira muKenya, vana vakaramba vachitaura nzvimbo yakataurwa nababa. Kana tave kuzviisa nokubhaibheri, vakaita sengirozi kana maprophets pachiRungu acho aitaura.

Mesopotamia ingave nzvimbo yave kunzi Yemen nhasi uno, asi zita rokuti Yemen, Nyakasikana akaritaura pakupedzisira . . .”

Makunun’unu akabva kuna Cde Murenga Mukomawashe vakapupura kuti havasvikirwi. Asi kutandavadza runyemba, ngationei kuti nyika yeYemen yave kubuda zvakare, kubudikidza naNyakasina Nehanda.

Makore mashoma apfuura, yakaita mbiri zvakare zvichinzi vaRemba vanoti maJudha, vakabva naikoku kuYemen.

Nyaya yeNgoma Lungundu (Ark of the lost covenant) ndiyo yakaburitsa zvose izvi.

Pavakatakurwa kuenda kuChifombo, Mbuya Nyakasikana Nehanda vanonzi vakati vachaendeswa “kunyika inonzi Kambiya, yatinoti Zambia izvozvi. Kambiya ndiro zita rayo repasichigare.

Mambo mukuru wemuZambia, Lewanika, anonziwo Ruwananyika. Ukuwo Mozambique yainzi Mazambuko, nokuti ndiko kwakayambuka (navanhu nako vachipinda munyika yeChivavarira).”

Kunzi pakata handi kunzi ridza. Tichikombera gore ra2015, tinodawo kutarisa kuti zvigaro zvatinoona mubato reZanu-PF, zvakabvepi, zvinorevei, uyewo kuti zviri kusimbaradza bato nenyika here kana kuti kwete. Tichatanga nechavatete vomusangano, chaPolotical Commissar

Share This:

Sponsored Links