‘Musapfachure zvamakakohwa’

03 Jun, 2021 - 12:06 0 Views
‘Musapfachure zvamakakohwa’

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAMBO Chiswiti vekudunhu reMt Darwin vanoyambira varimi kuti vasiyane netsika yekutengesera zvavakakohwa kumakoronyera avo vanovarozva pamutengo.

Kurudziro iyi inotevera goho guru rakawanikwa munyika nekuda kwemvura yakanaya zvakanaka uyewo nekutsigirwa kwakaitwa varimi neHurumende pasi pechirongwa chePfumvudza.

VaShort Kanzou (56), avo vanova Mambo Chiswiti, vanoti mwaka uno nyika yakaropafadzwa mvura ikanaya yakawanda uye zvirimwa zvikaibva zvinofadza.

“Kwemakore akawanda, nyika yedu yanga isinganaye mvura zvakanaka asi rwendo rwuno Nyadenga vakatinzwa, mvura ikanaya zvakanaka. Sekuno kuDande nekuMt Darwin kunosvika kuGuruve, Chiweshe nekuRushinga, ivhu redu rinoda mvura yakawanda izvo zvakaita kuti tive negoho guru semamwe matunhu. Yambiro yangu ndeyekuti varimi vasanyengedzwe nemakoronyera, asi kuti vachengetedze goho ravainaro voisa mumatura kwete kupfachura,” vanodaro Mambo Chiswiti.

Vanoenderera mberi vachiti, “Varimi vedu ngavavake matura akasimba voisa mishonga, vochengeta zvirimwa izvi vakazvipura kana kuti vasina nekuti hatizive kuti mwaka unotevera uchange wakanaka here sewadarika uyu. Murimi akangwara anochengeta goho rinoraudzira makore matatu kana kudarika.”

Mambo Chiswiti vanoti kune makoronyera akatanga kare kufamba kudunhu ravo vachiita mutengano wegudo wezvirimwa nezvinhu zvinosanganisira tsvigiri, munyu, sipo, mafuta ekubikisa, mbatya netumwe tunonaka.

“Vaye vanoda kukohwa pavasina kurima vanamudyazvemarema vave kutofamba kare kuno kuMt Darwin vachibiridzira varimi goho ravo. Unonzwa vachiti bhaa resipo rinochinjaniswa nebhagidhi rechibage uye pakiti reshuga re2kg rochinjaniswa nebhagidhi rechibage.

“Vanonoita mari yakawanda ndiwo makoronyera aya asi varimi vedu havana chisvinu chavanowana,” vanodaro mambo ava.

Mashoko avo anotsinhirwa naVaPaul Zakariya, avo vanova mukuru wesangano revarimi reZimbabwe Farmers Union (ZFU) vachiti zvine hungwaru kuti varimi vachengete goho rinokwanisa kuraudzira makore maviri kana kudarika.

VaPaul Zacharia 

“Nyika yedu ine goho guru kubva mumwaka weZhizha wadarika saka ikurudziro yedu kuti vachengetedze zvavakakohwa mumatura uye voisa mishonga inokurudzirwa nenyanzvi. Makoronyera anofamba achitora mwoyo yevarimi vachivapa mari shoma izvo tinoyambira kuti vasiyane nekuita kwakadai,” vanodaro VaZakariya.

Vanokurudzira varimi kuti vatengese goho ravo kudura guru renyika reGrain Marketing Board (GMB).

Share This:

Sponsored Links