‘Musapfekedze vana mamasiki’

22 May, 2020 - 00:05 0 Views
‘Musapfekedze vana mamasiki’

Kwayedza

Munyori weKwayedza

VANA vacheche nepwere avo vane makore ari pasi pemaviri okuberekwa havakurudzirwe kupfeka mamasiki apo veruzhinji vari kunzi vagare vakaapfeka pose pavanenge vari munzvimbo dzeveruzhinji senzira yekudzivirira nekuderedza kutapurirana nekupararira kwechirwere cheCovid-19.

Mashoko anobva kubazi rezveutano nekurerwa kwevana anoti vana vane makore ari pasi pemaviri okuberekwa havafanirwe kupfekedzwa mamasiki ayo anovavhara muromo nemhuno sezvo vachigona kuzopfumbirwa votadza kufema zvakanaka nechikonzero chekuti havakwanise kuabvisa kana zvavaomera.

“Kurudziro yekuti munhu wose anofanirwa kupfeka masiki pose paari panzvimbo yeruzhinji ichiripo. Asi vana vacheche nezvipwere zvezera remakore ari pasi pemaviri okuzvarwa havafanirwe kupfekedzwa mamasiki sezvo vasingazokwanisa kuabvisa kana ovapfumbira pakufema.  Zvisinei, tinokurudzira zvikuru kuti vana vacheche nepwere dzose vasatenderwe kusvika munzvimbo dzinosvikwa neveruzhinji,” rinodaro bazi rezveutano mumashoko arinopakura zuva nezuva ayo akanangana nekupa ruzivo nechenjedzo kuruzhinji pamusoro pechirwere cheCovid-19.

MuZimbabwe makadzikwa mutemo unoti munhu wose ange akapfeka masiki inomuvhara muromo nemhuno pose paanobuda pamba pake achienda kuruzhinji seimwe yenzira dzekuderedza kutapurirana nekupararira kwechirwere chanetsa pari rose ichi.

Mutemo uyu uri kutevedzwa neruzhinji sezvo uchitendera kuti munhu apfeke masiki ingava yekutenga kana yekugadzira kumba. Mapurisa ari kuendererawo mberi nekusunga vanhu vanowanikwa vasina kupfeka mamasiki panzvimbo dzeruzhinji uye vamwe vakatoripiswa mari dzemafaindi dzakawanda zvekusvika $500 pamunhu.

Covid-19 chirwere chakaipisisa uye chinotapuriranwa zviri nyore muvanhu. Chinokonzerwa nehutachiona hunodaidzwa kuti coronavirus uye pasi rose hakusati kwava nemushonga unochirapa.

MuZimbabwe, Covid-19 yakatanga kuonekwa kumugari wekuVictoria Falls, kuMatabeleland North, nemusi wa20 Kurume uye kubva ipapa kusvika nemusi weChipiri svondo rino, vanhu vawanikwa vainayo muno mushure mekunge vavhenekwa vava 46, vana (4) vakashaya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey