Musaregerere mbavha dzemabhemba

24 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Musaregerere mbavha dzemabhemba

Kwayedza

MUZIMBABWE pari zvino mune nyaya yazengezana kumativi ose enyika — nyaya yemakororo, mbavha kana kuti mhondi dziri kufamba dzakapakatira mabhemba nezvimwe zvombo dzichipamba zvinhu, kukuvadza kana kuponda vanhu vanenge vachizvishandira kana kuti vakazvigarira murunyararo.

Makororo aya ari kunyanya kuonekwa kunzvimbo dzinoitwa zvechikorokoza mumigodhi uko ari kupamba goridhe nezvimwe zvicherwa kubva kuvanhu vari kuzvishandira.

Mapurisa pari zvino anoti asunga vanhu vanodarika 1 500 avo vari kupomerwa mhosva dzakasiyana vachishandisa mabhemba nezvimwe zvombo. Vamwe vevakasungwa vakatotongwa kumatare edzimhosva ndokupotserwa mumajeri.

Ngavanoworera ikoko nekuti ndiko kwavakakodzera!

Basa riri kuitwa nemapurisa mukusunga vanhu ava rinofanira kurumbidzwa.

Zvakakosha kuti veruzhinji vashande pamwechete nemapurisa mukuona kuti nhubu idzi dzasungwa.

Tinodaro nekuti vanhu ava vatekeshera kunzvimbo dziri kumativi ose enyika, kusanganisira mumaguta nemadhorobha.

Vamwe vacho vanonzi vanoroja mumarukisheni uye varidzi vedzimba dzavanenge vachigara vanotoziva nezvavo asi havadi kubuda pachena nekuda kwezvikonzero zvinosanganisira kuti nhubu idzi dzinobhadhara rendi nemari yekunze yakawandisa.

Kwete, hazvina kunaka kuvigiridza vanhu vakadai nekuti injodzi kune veruzhinji nekuda kwemabasa avanoita.

Iwe uri kumuchengeta, ko mangwana akakupandukira?

Nguva pfupi yadarika, pane chikwata chemakororo anofamba nemabhemba chinonzi chakadzidzana kubata chibharo chembere yekuChegutu yaive nemakore 80 okuberekwa pamwechete nemuzukuru wayo aiva nemakore 16.

Chembere iyi nemuzukuru wayo vose vakazouraiwa nemhondi idzi.

Zvinosiririsa kuona vanhu vachirasikirwa neupenyu hwavo nenzira dzakadai.

Chikwata ichi chinonzi chakasiya charova zvakare pamwe nekukuvadza zvakaipisisa vamwe vana vatatu vemumhuri iyi.

Kune mamwe mavhidhiyo anorovesa hana ayo ari kutenderera pamadandemutande anosanganisira WhatsApp achiratidza vanhu vachipondwa sehuku nemabhemba.

Kwete, katsika aka kanofanira kupedzwa nekuchimbidza nekuti upenyu hwemunhu hunokosha.

Makororo aya ngaaratidzwe kuti zvaari kuita hazvitenderwe zvachose muZimbabwe nekuti tiri vanhu vakasununguka, vane hunhu, vanofarira runyararo uye vasingazivikanwe nekupara mhosva, asi kuti nerudo.

Mamwe emakororo ari kufamba nemabhemba aya anosvika 50 nguva pfupi yadarika akaenda pakamba yemapurisa yeGokwe North Police Base, kuGokwe, achida kuti vamwe vavo vainge vasungwa vasunungurwe.

Mapurisa akatozoridza pfuti mushure mekunge chikwata chevanhu ava charamba kubva pakamba iyi zvikaita kuti vamwe vacho vakuvare uye ndokuzosungwa.

Mbavha kuda kutora kamba yemapurisa?

Munyika ipi iyoyo?

Zviri pachena kuti makororo aya ave kutora mutemo vachiisa muhomwe dzavo.Chokwadi vanhu vangafurirane kuenda kukamba yemapurisa vachida kuti vamwe vavo vasungwa vachipomerwa mhosva vasunungurwe?

Nyika ino ine mitemo inofanirwa kutevedzwa nekuremekedzwa kwete kuti vanhu vaswere vachiita madiro aJojina.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey