Musarere zvirwere: Manangazira . . . mimba haidarike gore, asi yenzou

06 Jul, 2014 - 06:07 0 Views
Musarere zvirwere: Manangazira . . . mimba haidarike gore, asi yenzou PORTIA Tapfumanei. - Mifananidzo: Memory Mangombe

Kwayedza

VERUZHINJI vari kukurudzirwa kutsvaga rubatsiro nguva ichiripo kana vasangana nematambudziko ezvirwere zvavasinganzwisise kuitira kuti hosha dzisadingindire mumiviri yavo.
Mashoko aya akataurwa naDirector of Epidemiology and Disease Control mubazi reutano nekurerwa kwevana, Dr Portia Manangazira. Izvi zvinotevera nyaya mbiri dzakabuda muKwayedza yesvondo rapera, dzemadzimai maviri avo vose vari kungofutunuka matumbu kunge vane mimba kwemakore mana adarika.

Dr Manangazira vanoti madzimai aya vanogona kunge vaine zvirwere zvakaita segomarara kana mapundu emuchibereko. Vanoti hakunai munhukadzi anosununguka kwapera gore, kunze kwenzou.

“Isu tinoziva kuti nzou ndiyo inosungunuka mhuru kwapera gore. Hakuna munhu anodarika gore saka pamwe ratova gomarara riri kukura kana mapundu emuchibereko.

“Vanhu ngavarege tsika yekuti ndaroiwa kana kuti ndine chitsinga ivo vasina kunoongororwa nanachiremba, endai munovhenekwa nekuti pakupera kwezuva dambudziko rinoramba riripo,” vakadaro.

“Ndapota, madzimai ngavakoshese utano hwavo nekunovhenekwa nekuti ipapo ndipo panobuda chokwadi chizere, endai munotsvaga rubatsiro nguva ichiripo,” vakadaro Dr Manangazira.

Madzimai maviri aya, Mai Maidei Nemhara (48) vekwaChinhamhora, kuDomboshava naMai Portia Tapfumaneyi (35) vekuZororo, kuHighfield muHarare, vakatarisana nedambudziko rekukura kwematumbu avo zvakadarikidza.
Vose vari vaviri vava nemakore mana vachingofutunuka matumbu uye Mai Nemhara vanofungidzira kuti vakapingwa nemuramu wavo uyo anonzi aida kushereketa navo ivo ndokuramba. Mai Tapfumaneyi vanoti pakutanga vaifunga kuti vakatakura mimba sezvo vainzwa kutamba-tamba mudumbu sezvinoita mwana kana ari mudumbu asi iye zvino ave makore mana vasati vasununguka.

Vanoti havazive kuti vakatakura chii sezvo vakambovhenekwa nemachiremba kukashaikwa chakaonekwa. Kufamba chaiko ratove dambudziko nekuda kwezidumbu ravava naro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey