Uncategorized

‘Musashandise mercury’

10 Jul, 2020 - 00:07 0 Views
‘Musashandise mercury’ Makorokoza achishandisa mercury kuchesa goridhe iyo inonzi ine njodzi kuutano hwevanhu pamwechete nekukanganisa nharaunda

Kwayedza

Heather Charema ari kuKADOMA

HURUMENDE inoti panofanirwa kudzikwa mutemo unorambidza kushandiswa kwemushonga we“mercury” nemakorokoza nevamwe vanoita zvezvicherwa pakuchenesa goridhe sezvo uine njodzi kuutano hwevanhu uye unokanganisa nharaunda.

Vachitaura pamusangano wakaitwa nekomiti yeParamende inoona nezvekuchengetedzwa kwezviwanikwa nekushanyirwa kwenyika kuKadoma nguva pfupi yadarika, gurukota rezvenharaunda nekushanyirwa kwenyika, VaMangaliso Ndlovu vanoti panofanirwa kutsvagwa dzimwe nzira dzingashandiswa mukuchenesa goridhe.

Musangano uyu wakaitwa nedonzvo rekutsanangurira vamiririri vematunhu mudare reParamende pamusoro pekuipa kwekushandiswa kwemercury nemakorokoza.

“Ndinokurudzira vatungamiri vemapoka anomiririra vezvicherwa muZimbabwe kuti mukurudzirewo vacheri muchivadzidzisa zvakashatira kushandiswa kwemercury pakusukwa kwegoridhe. Ndinokukurudzirai zvekare kuti mutsvage ruzivo pamusoro pedzimwe nzira dzingashandiswa pakusvina goridhe dzisingakuvadzi nharaunda kana utano hwevanhu,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Tinofanira kufambirana nenguva senyika, tichishandisawo nzira itsva dzisingakanganise nharaunda pakuchera goridhe kuitira kuti tikwanisewo kuisa mutemo unorambidza kushandiswa kwemercury.”

Vanoti Zimbabwe yakaisa runyoro rwayo pachisungo cheMinamata Convention icho chinorambidza kushandiswa kwemercury pakuchera zvicherwa.

Vachitaura neKwayedza, chamangwiza wesangano reZimbabwe Miners Federation, VaWellington Takavarasha vanoti chikamu chemakorokoza chinosvika 95 percent chinoshandisa mercury kuchenesa goridhe.

“Tinoona kuti pakusukwa nekusvinwa kwegoridhe ipapa kusvika parinozopiswa ndipo panorasirwa mercury munharaunda yobva yosviba uye vanhu vanoibata pamwe chete nekuifema zvokonzera zvirwere,” vanodaro VaTakavarasha.

“Isu veZMF takabatana nemamwe mapoka kusanganisira veEMA kuti tikwanise kudzidzisa makorokoza zvakashatira kushandisa mercury.”

Sachigaro wekomiti yedare reParamende inoona nezvekuchengetedzwa kwenharaunda nekushanyirwa kwenyika, Mai Concilia Chinanzvavana, vanoti musangano uyu wakakwanisa kuvapa ruzivo pamusoro pezvimhingamupinyi zvinosanganikwa nazvo nemakorokoza uye kuipa kwekushandiswa kwemercury.

EMA inoti pagore roga-roga panoshandiswa matani 50 emercury mukuchenesa goridhe nemakorokoza nevamwe vane migodhi yakasiyana.

Share This:

Sponsored Links