Musashungurudze varidzi vepembe: PSL

01 Jun, 2023 - 19:06 0 Views
Musashungurudze varidzi vepembe: PSL Jimmy Makwanda (pakati) mushure mekunge atemwa akakuvadzwa mumusoro nevatsigiri veCAPS United

Kwayedza

Abel Ndooka

SANGANO reCastle Lager Premier Soccer League, iro rinoronga mitambo yePSL, rinoti riri kushushikana zvakanyanya nekushungurudzwa kuri kuitwa varidzi vepembe nevarairidzi pamwe nevatsigiri venhabvu.

Mumasvondo adarika, mumitambo yePSL kwange kuchibuda nyaya dzekushungurudzwa kwevaridzi vepembe kubva kuvarairidzi vezvikwata zvakasiyana pamwe chete nevatsigiri vemutambo uyu.

Svondo radarika, muridzi wepembe – Jimmy Makwanda – akatemwa akakuvara musoro kuNational Sports Stadium muHarare nevatsigiri veCAPS United avo vaigunun’una nemaridziro aainge aita mutambo wechikwata chavo neSimba Bhora uyo wakazopera ari mangange 1-1.

Zvichitevera chiitiko ichi, svondo rino PSL yakaburitsa mashoko ekuti iri kushushikana zvikuru nenyaya dzekushungurudzwa kwevaridzi vepembe ichiti zvikwata nevatsigiri vanofanirwa kuvaremekedza.

Mutauriri wePSL – Kudzai Bare – anoti varidzi vepembe vanofanirwa kuita basa ravo vakasununguka.

Kudzai Bare

“Tiri kushushikana zvikuru nekuwanda kwenyaya dzekushungurudzwa kwevaridzi vepembe mumitambo yeCastle Premier Soccer League.

“SePremier Soccer League, tinoshora zvikuru nzira dzose dzekushungurudza varidzi vepembe.

“Varidzi vepembe varipo kuona kuti mitemo yenhabvu iri kuchengetedzwa uye iri kutevedzwa nemazvo nekudaro zvavanenge vapasisa mumitambo yakasiyana zvinofanirwa kugamuchirwa nezvikwata pamwe chete nevese vane chekuita nenhabvu.

“Tinokurudzira zvichikwata kuti zvitinyorere kana pane zvisina kuvafadza zvinenge zvapasiswa nevaridzi vepembe,” anodaro. Bare anoti PSL iri kutora matanho akasimba akananga kupedza katsika kekushungurudzwa kwevaridzi vepembe uye vose vanobatwa nemhosva iyi vacharangwa zvakaomarara.

“Premier Soccer League iri kushanda chaizvo kuona kuti hunhu uhu hwabviswa munhabvu husarambe huchienderera mberi uye iri kutora matanho akasimba ekuranga vanobatwa nemhosva dzakadai sezviri mumagwaro ePSL Rules and Regulations,” anodaro Bare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey