‘Musasiye matura asina zvinhu’

11 Jan, 2019 - 00:01 0 Views
‘Musasiye matura asina zvinhu’ Mambo Nyamweda

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VARIMI vokurudzirwa kuti vasiyane nekatsika kekutengesa zvirimwa zvose zvavakakohwa mwaka wadarika zvichitevera yambiro yavanamazvikokota vezvemamiriro ekunze yekuti mwaka uno mvura ingangonaya shoma.Kurudziro iyi yakaitwa naMambo Nyamweda VaClaudious Mandaza vekudunhu reMhondoro, kuMashonaland West vachiti kune vamwe varimi vari kutengesa zvirimwa zvavo zvose zvemwaka wadarika.

Bazi rinoona nezvemamiriro ekunze reMeteorological Services Department rakazivisa kuti munyika mungangonaya mvura shoma mumwaka wezhizha wa2018 kusvika 2019.

Mambo Nyamweda vanoti kune vamwe varimi vanogona kugumisira vatengesa chingava chibage kana zvimwe zvirimwa vosara vasina zvinokwanirana nemhuri dzavo mukudya.

“Mashoko akaburitswa nebazi rinoona nezvemamiriro ekunze ekuti kuchanaya mvura shoma mumwaka wezhizha uri kutevera tinawo isu semadzimambo. Hongu, murimi anoita zvaanoda nezvirimwa zvake, mwaka wakadarika waiva wakanaka zvikuru varimi vedu vakakohwa zvinofadza.

“Tinoona  marori ari kumhanya muno nekune dzimwe nzvimbo dzenyika evanhu vari kutenga zvirimwa, zvikuru chibage. Tinoti vanhu ngavatengese chibage chavo nezvimwe zvirimwa zvine hungwaru,” vanodaro.

Vamwe varimi vanonzi vari kutengesa chibage chavo kumakoronyera ari kufamba nemarori nemari shoma zvikuru.

“Tinotenda Mwari vakanaisa mvura yakawanda mumwaka wakadarika zvirimwa zvedu zvikaita zvakanaka mudunhu rangu nekune mamwe matunhu enyika kukava nemaguta, chibage mafashafasha nezvimwewo zvirimwa.

“Zvino yambiro yangu ndeyekuti vanhu vachengete chibage nezvimwe zvirimwa vaise mishonga voisa mumatura kuitira nzara inogona kuuya,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Nekuda kwekunetsa kwemari, makoronyera anouya aine madzamatsama emari zvoita kuti varimi vedu vamhanye nechibage chavo kuvanhu ava.”

Mambo Nyamweda vanoti zvirimwa zvikaiswa mishonga yekuchengetedza goho inenge yatengwa muzvitoro zvakanyoreswa zviri pamutemo, goho rinogona kugara kwemakore anodarika maviri.

“Ini samambo handizokwanisa kubatsira vanhu vose nekudya munguva yenzara saka nyaya huru ndinoti vanhu ava ngavasiyane nekutengesa zvirimwa zvose.

“Yambiro yakapihwa kare yekuti mvura inogona kushomeka saka ngatichengetei zvirimwa zvedu hatidi kutarisana nenzara,” vanodaro.

Nekudhura kwezvinhu muzvitoro, vanoti kune vamwewo vanhu vave kufamba nezvinhu zvinosanganisa shuga, sipo, mafuta ekubikisa, mupunga nezvimwe zvakawanda vachiita mutengano wegudo vachibira varimi zvirimwa zvavo.

“Siyanai nekuchinjanisa zvirimwa nezvekudya kana zvimwewo zvinhu, munosara mava nenzara,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links