‘Musatambise mukana’

21 Feb, 2020 - 00:02 0 Views
‘Musatambise mukana’ Nation Marange (kuruboshwe) naLuckson Katazo

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
VAKOMANA vechidiki vari kusimukira mumusambo weSungura vari zvizvarwa zvekuChipinge vakabura dambarefu ravo rekutanga rinnonzi Nguva Nemukana iro vanokurudzira veruzhinji kuti vabatisise mikana yakanaka yavanowana muhupenyu yakadai seyemabasa nekuve neutano hwakanaka.

Muchikwata ichi, Luckson G Katazo (28) anoridza lead vocals achiteverwa naNation Marange (30) uyo anoridza gitare rebacking vocals.

Vanoimba vari chikwata chevanhu vasere nevamwe vanoti Talent Dhlamini (bass), Tsukile Tshuma (drum), Fungai Njobo (rhythm) naAaron Kupaka (sub rhythm) kuchizoti vamwe vanokwenenzvera nekutamba.

Katazo anoti nyaya dzekuimba dzakagara dziri muropa asi vakanyanya kupihwa shungu nevamwe vaimbi vakadai saNicholas Zakaria, Alick Macheso, mushakabvu Simon Chimbetu naLeonard Dembo.

“Ndinofarira zvikuru kufamba ndakapakatira gitare rangu kuitira kuti pese pandinenge ndafunga rwumbo rwangu ndinotanga kufundira kuti ndorwuimba sei nekuti zvizhinji zvinopinda mupfungwa mukufamba wobva watoumba rwumbo usati wakanganwa. Dambarefu redu idzva iri rine nziyo nhanhatu dzinoti Zvatiri Kure, Dai, Muchengeti Wangu, Vachimhanya Kumashure, Kwapaidzo Yauya naAkanakira Ini,” anodaro Katazo.

Anoti kambo Akanakira Ini kari pamusoro perudo.

“Murwumbo urwu, tinotsanangura nyaya dzerudo kuti vamwe vanhu vanogona kufamba vachitaura kuti murume wanhingi kana kuti musikana wanhingi akashata, igorosviba chairo. Saka ndinopa yambiro yekuti vanhu vasiyane nenyaya dzekupindira murudo rwevamwe nekuti rudo vaviri ndivo vanonzwanana. Kushata kwaunoona kumudzimai wemumwe muridzi wake anenge achiti ndiwo makeke,” anodaro achiridza gitare rake.

Marange anotiwo kambo Zvatiri Kure kanomira  seyeuchidzo kuvana kuti vasakanganwe kwavakabva kune vabereki.

“Kune vamwe vana vanogona kutorovera kuJoni vachikanganwa vabereki saka iyeuchidzo kuti kunyangwe tikanoshava kure kwakadii ngatirangarirei hama neshamwari kuti dzinodawo rubatsiro rwedu. Kuchizoti munaVachimhanya Kumashure iyambiro zvekare yekuti muupenyu kana ukatadza kuronga zvakanaka unenge uchitodzokera kumashure wozodemba apo unenge wava kuona vamwe vachibudirira,” anodaro Marange.

Kwapaidzo Yauya rwumbo rwemafaro rwekuti munhu wese akasununguka kurwutamba pakadai sepamabiko.

Zvisinei, Marange anoti vari kusangana nezvimhingamipinyi zvinosanganisira kushaiwa zvekushandisa zvakakwana mubasa ravo zvakadai semagitare, kuenda kwemagetsi panguva yavanoita mashoo uye kudhura kwezvifambiso, pakati pezvimwe.

Share This:

Sponsored Links