Uncategorized

MUSATANIST ZVOSE BVU

12 May, 2022 - 13:05 0 Views
MUSATANIST ZVOSE BVU Mario

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUKOMANA wechidiki anobva kwaChiveso kwaMurehwa, kudunhu reMashonaland East ari kubuda pachena kuti akapinda muchikwata chemaSatanists chine vakuru vacho kunyika yeUnited Kingdom icho anoti basa ravo guru kuuraya vanhu, kukonzera tsaona nemamwe matambudziko muvanhu.

Mario (23), uyo akazopihwa zita rekuti Child Killer nevamwe vake, anoti panguva yaakapinda muchikwata chemaSatanists mugore ra2021 kusvika izvozvi, vauraya vanhu vanodarika 100 munyika muno nepasi rose nenzira dzekushandisa mishonga, tsaona nezvimwewo.

Mukomana uyu anoti akakura achichengetwa naambuya, amai vaamai vake, uye kutambura kwakamuita kuti atange kushanda mudzimba dzevanhu.

Anoti akazoenda kuShamva uko akanotanga kushanda papurazi apo aisevenza mumunda wefodya. Ndipo paakatsvaga mishonga yekuromba kuti apfume.

“Mugore ra2015 ndakaenda kuShamva uko ndakanzi nemumwewo wandaishanda naye nditenge huku izvo ndakaita.

Akazoenda neni kumakuva uko ndakanofukidzwa nejira pakazouya zvigure ndikauraiswa huku iyi nekudambura mutsipa nemazino ndikanzi ndinwe ropa rayo,” anodaro Mario.

Anoti zvigure izvi zvakamurova neshamhu asingazive kuti kwaitova kupinzwa mumaitiro aya.

“Huku iyi yafa kudaro, ndakapihwa chimuti ndikachipinza nekumashure kwayo ndikamonera hura hukabuda kunze ndikanzi ndihudye huri humbishi uye husina kusvinwa, hwakasanganiswa nemishonga. Ndakazopihwa dzimwe mhiko uyewo ndakapihwa simba rekuti ndigone kuporofita.”

Mario anoti akazodyiswawo nzondora mbishi dzaiva dzakasanganiswa nemishonga ndokudzidziswa mitauro yakawanda.

“Zvimwe zvezvinhu zvandakadzidziswa kuzvigure kutora vana mudumbu memadzimai ane pamiviri, munhu ozongoona asisina mimba voshaya kuziva kuti yaenda kupi. Mwana tinenge tauraya,” anodaro.

Mario anoti akazobva kuShamva akaenda kwaRusape uko akazoenda kune imwe n’anga achida mushonga wekuita mari.

“Ndakaenda kuimwe n’anga kwaRusape ndichida mushonga wekuita mari, ikandipa mushonga wekuti ndinogeza nekunorasa mudhamu husiku kunze kwava kuedza, izvo ndakatadza kuita ndikafushira mushonga uyu pamba pandaigara,” anodaro Mario.

Anoti amai vepamba paaigara vakazotsika nzvimbo yaiva nemushonga uyu vakabva vaoma mitezo (stroke).

“Ndakazodzokera kun’anga nemushonga uyu ndokuiudza zvandainge ndaita, ikanditi ndakatyora mhiko. Ndakazotengeswa huku, ndikanzi ndiiuraye nekudambura mutsipa nemazino uye ndikanzi nditore ropa racho rikasanganiswa nemishonga ndikanovazora pagumbo ravo vakapora.”

Panguva iyi, Mario anoti akanga ava kupfeka magemenzi achinamata achishandisa mishonga.

Mario anoti akazoenda kuBulawayo kwasekuru vake uko akanotanga kushanda pamba pemumwe murume.

“Panguva iyi, ndakanga ndava kuona zvivarume zvipfupi zvinova zvidhoma zvichinzi mishonga iya yakanga yava kurwisana inoti yekuzvigure neyekun’anga. Ipapo, ndakanga ndava kugona kugadzira nyoka negavi kana tambo dzebhutsu.”

Mario anoti akazopinda basa pamba pemumwe murume ane mari yakawanda kuBulawayo ikoko akatanga kuona nyoka yairutsa mari yaigara pasi pemubhedha, izvo akazoshuvirawo kuti nyoka iyi iite yake.

“Rimwe zuva ndakasiiwa nemwana wepo tikapinda mumba mavo ndikanzwa kunhuhwa kwenyoka. Ndakaona ichirutsa mari pasi pemubhedha, mabhanduru emaUS$ chete.

“Ndakaedza kuibata asi yakada kundiruma,” anodaro Mario.

Anoti aiona murume uyu achitaura nenyoka iyi vachinzwanana.

“Murume uyu akazoziva kuti ndaiva ndaziva nyaya yenyoka yaimupa mari achibva anditandanisa kundiendesa kwasekuru vangu.

“Ikoko ndakazosangana nemumwe mukomana akanditi unoda kuita mari here, akambondipinza munyaya dzekuba ndakapakata uyewo nekuita zvemadrugs. Akazondipa mapepa ekuMozambique nenhamba dzekuSouth Africa uko aiti kune vanhu naigona kuti ndiite mari.”

Mario anoti akazotanga kutumidzirwa mashoko kubva kuSouth Africa neimwe nhamba yekuUnited Kingdom achibvunzwa zvaaida muupenyu, kusanganisira kuita mari.

“Semunhu aisanzwa chirungu, ndakazotuma mumwe mukomana kuti apindure achingobvuma zvose.

Ndakapihwa mhiko dzekunzi ndaisafanirwa kurara nevakadzi zvekuwirirana asi kubata chibharo uyewo nekuvauraya. Ndakanziwo ndaisafanirwa kuuraya masvosve kana nyoka nezvimwe,” anodaro.

Mario anoti akatumira zita rake nemufananidzo ndokupihwa simba rekuti atyiwe kunyangwe nemapurisa nevatongi vedzimhosva pane zvose zvaanoita.

“Zvose zvandakanga ndava kuita zvaitungamirirwa nevakuru vedu muSatanism vanodaidzwa kuti King naQueen vari kuUk. Ndainzi ndichaita mari asi handina kusvika izvozvi.

“Muno mune machechi anoita zveSatanism, vane mari yakawanda nevamwe vane mukurumbira, mafundisi nanamuzvinabhimisi.”

Pakati pemhiko dzaakapihwa, anoti akanzi auraye vanhu vaviri – hama dzake – sekuzvisimbisa muchikwata ichi. Mario anoti akasarudza kuuraya baba vake sezvo achiti vakatadza kumuendesa kuchikoro nekumuchengeta uye wechipiri anoti akazonzi asarudze ambuya vake vakamuchengeta.

“Mukuita izvi waifanirwa kuziva zita remunhu nesurname yake nemutupo wozotumira mufananidzo kumuzinda wekuUK. Ndakazorwadziwa kuti ndingaurayewo here ambuya vakandichengeta, ndizvo zvakaita kuti ndironge kufumura mabasa aya.”

Mario anoti akangonzwa kuvenga munhu achifamba anoshandisa masimba ake kuti afe kana kukonzera tsaona.

“Takawanda muno tinoita izvi. Asi, nekufumura kwandakaita nyaya iyi, ndiri kugara ndichivhundutsirwa vachiti vanoda kundiuraya. Kune vanhu vari kutoda nhamba dzemaSatanists vachinditi ndakatadza kufumura nyaya iyi,” anodaro.

Anoti akapihwa mhiko dzekudanana nevasikana vakawanda, kusanganisira nemadzimai akaroorwa, asingarare navo asi achingovauraya chete.

“Pandakanzi ndiuraye, ndakangouraya mwana nekumuruma nemazino ndikamedza ropa revamwe vatatu, kureva kuti vanhu 4 vandakapfuudza.

“Handichada nyaya idzi saka ndiri kubatsirwa pachechi,” anodaro Mario.

Anoti musikana wake waaida kuuraya akabva aenda kunhandare inokwirirwa ndege musi waaida kumupfuudza.

“Ndine tsvimbo yegoridhe inopinduka kuita mudzimai wandinorara naye, handibvumidzwe kurara nemamwe madzimai. Ndinoyambira vamwe vechidiki kuti vasade kuwana mari nekuromba asi kuti vashande nesimba,” anodaro Mario.

Share This:

Sponsored Links