‘Musatenge mishonga yemumukoto’

04 Jan, 2019 - 00:01 0 Views
‘Musatenge mishonga yemumukoto’

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VARIMI vanochengeta zvipfuyo zvakasiyana vokurudzirwa kuti vasiyane netsika yekutenga mishonga yekurapa zvipfuyo zvavo nemimwe yakatsaukana mumigwagwa nemumikoto nekuda kwemakoronyera awanda anotengesa mishonga yemanyepo.Yambiro iyi yakapihwa nachiremba mukuru anoona nezvekuchengetedzwa kwemhuka kuVeterinary Services Department Dr Josphat Nyika vanova director kudivi reLivestock and Veterinary Services.

Mukati memwedzi inodarika mishanu, zvinonzi pane kuchema-chema kukuru kwevarimi vari kutengeserwa mishonga isingashande mumigwagwa nemumikoto kune vanhu vasina matsamba ekuita basa rekutengesa mishonga iri.

“Zvipfuyo zvedu zvinofanirwa kuchengetwa sezvatinozviita isu vanhu, tikarwara tinoenda kuzvipatara kana kutenga mishonga yekuzvirapisa, zvimwe chete nedzingava mombe, mbudzi, hwai, huku nezvimwe zvakasiyana. Nekudaro tinofanirwa kuziva kwekutenga mishonga yedu torega kubirwa mari dzedu nemakoronyera totenga mishonga chaiyo,” vanodaro.

Dr Nyika vanoti munguva ino yezhizha mombe nembudzi nezvimwewo zvipfuyo zvinoita zvikwekwe nekudaro zvinofanira kugara zvichifiritwa kana kudhibhiswa.

“Tine varimi vari kuuya kumahofisi edu vachigunun’una kuti dhibha nemimwe mishonga yavari kutenga hazvisi  kuvashandira zvakanaka vachiti zvikwekwe hazvisi kufa inova nyaya iri pachena kuti vari kutengeserwa dhibhi nemimwe mishonga yemanyepo,” vanodaro.

Vanoti zvakakosha kuti varimi vaende kuzvitoro zvinozivikanwa nekutengesa mishonga yezvipfuyo pane kutenga pamusika wemukoto.

“Nguva ino kune zvirwere zvakawanda zvinobata mhuka kuburikidza nezvikwekwe zvinowanda nekuda kwekunaya kwemvura uyewo nekukura kwehuswa nekuwanda kwebundo kunzvimbo dzinofurira mombe dzedu nezvimwe zvipfuyo. Saka makoronyera aya vanoziva kuti varimi vakawanda vanenge vachitsvaga dhibhi nemimwe mishonga vogadzira yavo yechitsotsi. Siyanai netsika iyoyo, endai munotenga chaiko kwamunowana mishonga chaiyo kwete mumigwagwa, munonyeperwa. Munozoona zvikwekwe zvisingadonhe zvichitosimba imi marasikirwa nemari yenyu nezvimwe zvirwere zvamunoda kurapa zvisingapore pazvipfuyo zvenyu,” vanodaro.

Dr Nyika vanoti izvi zvimwe chete nemimwe mishonga yekudhoza zvakadai semombe iyo vanoyambira varimi kuti vasatenge mumigwagwa.

“Mishonga yehuku chaiyo yekurapa zvirwere zvakasiyana angava mapiritsi embwa nezvimwe nairo dhibhi zviri kuonekwa zvichitengeswa mumigwagwa vamwe varimi vakatakura. Tinoti handizvo vanhu ngavasiyane nemishonga yemumigwagwa kune matsotsi,” vanodaro. Kwayedza yakaita wongororo munzvimbo dzinosanganisa kuMbudzi kuRound About, kuMbare nemumabhawa muguta reHarare ikaona vanhu vakawanda vachifamba nemishonga yakasiyana vachitengesa mishonga yavaiti ndeyezvipfuyo.

Mugore ra2018, mombe dzinodarika 50 000 dzinonzi dzakafa nekuda kwezvirwere zvinokonzerwa nezvikwekwe.

“Kunzvimbo dzamunorima muri kune mahofisi edu eVeterinary Services uko munokwanisa kuwana mishonga yose nekubatsirwawo nevarimisi nenyanzvi dzedu dzezvemhuka, vashandisei kuti musabirwe zvipfuyo zvenyu zvirarame,” vanodaro Dr Nyika.

Share This:

Sponsored Links