‘Musatenge mombe dzekuba’

15 Jun, 2022 - 08:06 0 Views
‘Musatenge mombe dzekuba’ VaBryn Nyamadzawo (kuruboshwe) vachitaura naVaPanashe Mhariwa vari mubhucha mavo kwaDzumbunu kwaNyamweda kuMhondoro. - Mufananidzo naKingstone Mapupu.

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VARI mubhizimisi rekutenga mombe vanosanganisira vemabhucha vanokurudzirwa kuti vakoshese kuita basa ravo nenzira dzakajeka uye vosiyana nekatsika kekutenga mombe nezvimwe zvipfuyo zvinenge zvabiwa.

Kurudziro iyi yakaitwa naVaBryn Nyamadzawo Mandaza (45) vanova jinda guru mudare raMambo Nyamweda vekuMhondoro kuMashonaland West vachiti vakatanga chirongwa chekushanda pamwe chete nemapurisa nechinangwa chekuti vari mubhizimisi rekutenga mombe vaite basa ravo pasina chikiribidi.

Vachitaura vari mubhucha raVaFarai Mhariwa panzvimbo yemabhizimisi yepaDzumbunu, umo maiva naVaPanashe Mhariwa (22) vanova mwanakomana wamuzvinhabhizimisi uyu, VaNyamadzawo vanoti bhizimisi rose rinoda kuitwa pasina kutsaudzira kwakadai sehumbavha sezvo izvi zvichidzosera budiriro kumashure.

“Tine vemabhizimisi vechidiki zvatinotenda kuti vari kusimudzira nyika nematunhu avagere sezvakaita mukomana uyu, Panashe Mhariwa, uyo ari kuita bhizimisi rake rebhucha rekuwanisa vanhu nyama. Hatitarisire kuti anoguma ava kutenga mombe dzakabiwa kana dzinorwara nekuti anosungwa oenda kujeri kana kushevedzwa neveutano.

“Ngatiitei mabasa akachena tichidyidzana nemapurisa mukutengeserana mombe nezvimwe zvipfuyo nekuti tikarega kudaro tinoguma tatengeserwa mombe dzakabiwa,” vanodaro VaNyamadzawo.

Vanoti kune dzimwe nyaya dzinogumawo dzauya kudare raMambo Nyamweda apo vehukama vanenge vatadza kuwirirana paita vatengesa mombe kana zvimwe zvipfuyo zvevamwe.

“Isu tinowanikwa tisina sarudzo, vanhu ivava tinoguma tavaendesa kumapurisa vosungwa. Tinoda chaizvo kuti vechidiki vavambe mabhizimisi avo zvinova zvinokurudzirwa neHurumende. Tanyanya kubata mabhizimisi emabhucha nekuti matsotsi akawanda emombe vanowana mukana wekutengesera mombe kunana muzvinabhizimisi ava,” vanodaro VaNyamadzawo.

Vanoti vari kufamba nemapurisa pamwe nevekanzuru yeChegutu munzvimbo dzemabhizimisi dzose dzemudunhu raMambo Nyamweda vachiona mafambisirwo ari kuitwa mabasa.

VaPanashe Mhariwa vanotenda danho riri kutorwa naMambo Nyamweda, VaNobert Musekiwa Mandaza, nemakurokota avo rekufamba munzvimbo dzemabhizimisi vachitsiudza kuti vasapinde mumabasa ekuba.

“Ini ndine bhizimisi rangu pano rekutengesa nyama pabhucha rababa vangu, VaFarai Mhariwa. Ndinoedza kutevedza mitemo yose pakutenga mombe, huku kana nguruve uye zvinhu zvangu zvose zvinodarika nemumawoko memapurisa,” vanodaro VaPanashe Mhariwa.

Vanoenderera mberi vachiti, “Tine mabasa ekurima munguva ino yeChirimo, mumapindu edu mvura irimo saka vechidiki ngavatsvage zvinovapundutsa kwete kuba. Tinotenda mapurisa nekushanda uko tiri kuita navo.

“Kune vemabhucha, tinoti ngatirege kupota tichitenga mombe dzinorwara tichitengesa nyama iyi kuruzhinji sezvo zvichizokonzera zvirwere uyewo tinofanirwa kutenga mombe dzatinoziva kwadzabva.”

Share This:

Sponsored Links