Musatengese minda: Mambo

28 Dec, 2018 - 00:12 0 Views
Musatengese minda: Mambo Mambo Seke

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VARIMI vokurudzirwa kuti vasatengese minda yavo sezvo katsika aka kachidzosera mabasa ekurima kumashure uyewo kutengesa ivhu imhosva huru sezvo riri reHurumende.

Yambiro iyi yakapihwa naMambo Seke VaStanley Chimanikire vekwaSeke, kuMashonaland East nekuda kwedambudziko guru ravanoti vakatarisana naro revanhu vavari kuti vari kutengesa minda yemadzitateguru avo nekuda kwemari.

“Ivhu ndiro rakaita kuti vana veZimbabwe tiende kunorwisana nevachena kuti ivhu redu ridzoke. Zvino ndinoshamiswa muno mudunhu rangu maSeke vanhu vachipedza kutengesa minda yavanorima umo mapera kuzara dzimba. Ivo havasisina kwekurima, unoona munhu achisara nedzimba chete pasina minda yekurima. Maitiro akadai anodzorera mabasa ekurima kumashure zvikuru. Vanhu ivava vane vana nevazukuru vacharima kupiko? Tiri kuedza kuvasunga tichivaripisa, vamwe tichiguma tavaendesa kumatare edzimhosva asi havasi kurega,” vanodaro Mambo Seke.

Vanoenderera mberi vachiti, “Tinoona vamwe vari kuzogumisira vave kurwiswa nevana vavo vachibvunzwa kuti vachawana kupi kwekuvaka. Saka tiri kuti vanhu ngavasiyane nekutengesa minda yavo.”

Mai Farirai Guta

Mambo Seke vanoshorawo mamwe masabhuku emudunhu ravo vachivapomera mhosva yekuita huwori hwekudyidzana nevanhu vari kutengesa minda vachipihwa mari yevharamuromo.

“Tine misha yemasabhuku anotozivikanwa muno kuti vanonyengera vanhu kuti vatengese minda yavo vachiisa vanhu vatsva vanenge vatenga mumabhuku avo emisha vovaita sevagari vemo vakare. Zvino ini samambo ndiri kuyambira vanhu ava kuti tinovatonga tovaendesa zvakare kumapurisa nekuti ivhu ndereHurumende,” vanodaro.

Zvakadai, Mambo Seke vanotiwo vari kutsutsumwa zvikuru nekuda kwevamwe vari kutengesa jecha nevhu remuminda yavo kune vanhu vari kuvaka kuChitungwiza nedzimwe nzvimbo dzakakomberedza.

“Mimwe minda yacho iri muno haicharimika angova makomba oga-oga kukanaya munotoita madziva, zvino chokwadi toparadza nhaka yevana vedu nekuda kwetumari tunopera here?” vanodaro.

Mambo Seke vanoti vari kushanda nevakuru vekanzuru yeManyame inomirira dunhu ravo pakugadzirisa nyaya yevanhu vari kutengesa minda iyi.

Mai Farirai Guta vanova chamangwiza wekanzuru yeManyame vanotsinhira nyaya yekutengeswa kweminda iyi vachiti imhosva huru.

“Iyambiro yedu sekanzuru kuti imhosva huru kune vanhu vari kutengesa minda ava vanhu vachivaka dzimba. Vanhu vacho vanenge vatenga nevatengesa vacho – vangava masabhuku nevamwe – tiri kusunga tovaendesa kumapurisa nekumatare edzimhosva,” vanodaro Mai Guta.

Vanoti vanhu vanoda masitendi ekuvaka dzimba ngavaende vanonyoresa kumahofisi ekanzuru yavo ari kuDema nekuBeatrice vomirira nguva yavo yekuzopihwa masitendi zviri pamutemo kwete kutengeserwa zvechikiribidi.

Share This:

Sponsored Links