Musatore zvinodhaka: Mosquito

29 Apr, 2021 - 15:04 0 Views
Musatore  zvinodhaka: Mosquito Alfonso Zvenyika

Kwayedza

Kingstone Mapupu

ALFONSO “Mosquito” Zvenyika (45), uyo aimbove shasha yemutambo wetsiva, anoti zvakakosha kuti vechidiki vatore mukana wekuwana kwakaita nyika ini kuzvitonga kuzere nekusimudzira matarenda avo pane kutora zvinodhaka izvo zvinokanganisa remangwana ravo.

“Ini saAlfonso ‘Mosquito’ Zvenyika pakawana nyika kuzvitonga kuzere mugore ra1980 ndaingova nemakore mana chete okuberekwa, kureva kuti mbiri yose yakazoitika yezvibhakera ndikabuda kunze kwandainorwa zvakabva mukuzvitonga kuzere kwenyika ino. Dzimwe nguva dai pasina kuzvitonga kwakasununguka uku handaimbokwanisa kuenda kunorwa tsiva nevachena vandairikita izvo zvaisamboitika pahutongi hwevachena muno,” anodaro Mosquito.

Mosquito anoshora kutora zvinodhaka kuri kuitwa nevamwe vechidiki vemazuva ano, kusanganisira vanoita zvemitambo yakasiyana achiti zvinokanganisa raramo yavo.
“Kurudziro yangu kune vechidiki ndeyekuti vashandise mukana wekuzvitonga kuzere kuburitsa zvipo zvemitambo yavo pachena pane kuswera vachiputa mbanje nezvimwe zvatinonzwa kuti vamwe vave kuramba kuenda kuchikoro. Dai taidaro isu nevamwe vakaita mukurumbira mumitambo hataimbogona kusimudza mureza wenyika kuenda kumusoro kudaro,” anodaro.

Anotenda varwi vehondo nevose vakazvipira kusunungura Zimbabwe kubva kuhutongi hwevachena izvo zvakaona vakawanda vachirasikirwa neupenyu hunokosha vachirwira nyika ino.

“Ndinoti makorokoto Zimbabwe, isu vanaMosquito takazoita mukurumbira ndikakwira ndege yandaisambofungira mukurarama kwangu ndikanosvika kuUK. Ndakanohwina Common Wealth Zone 6 Belt nekuda kwekuzvitonga kuzere. Ndakanorova mwana wemubhunu kuEngland pazvibhakera akadzvova nyika ikapembera.”

Mosquito anoenderera mberi achiti, “Musafunga kuti munguva yehutongi hwevachena vaiva muno vanhu vatema vaisava nemitambo yavaigona, yaivako asi kuti zvipo izvi zvaidzvanyirirwa kuitira kuti zvigonzi munhu mutema hakuna chaaikwanisa kuita. Kuzvitonga kuzere kwakabva kwaburitsa hunyanzvi hwedu hwese kubva kutsiva, kumhanya, nhabvu, tennis, kushambira nezvimwe zvakawanda zvandisingagone kutaura zvaita kuti nyika yedu igova nemukurumbira.”

Anotenda runyararo nekubatana kuri munyika.

“Ndinotenda zvikuru kubatana kwevatungamiri vedu neruzhinji rwenyika muno nemabasa anoonekwa ari kutora nzvimbo muno. Mwari wakatikomborera mvura ikanaya zvakanaka zvinorakidza kuti nyika ichakohwa pakuru vanhu voguta tichipemberera matumbu akazara chikafu pasina anochema nzara,” anodaro Mosquito.

Anoti ane hurongwa hwekuita mutambo wetsiva munaChikumi kuStodart Hall, kuMbare achikwikwidzana neimwe nyanzvi yemuno uye donzvo riri rekuratidza kuti haasati apera munyaya dzemutambo uyu.

“Ndaiva ndakaronga kuti ndiite mutambo uyu nemusi wekupemberera kuzvitonga kuzere musi wa18 Kubvumbi asi varongi vakazondikanganisa vakaupfuudzira mberi kusvika mwedzi waChikumi,” anodaro.

 

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey