Uncategorized

‘Musatyire vana vari kuChina’

05 Mar, 2020 - 12:03 0 Views
‘Musatyire vana vari kuChina’ VaZhao Baogang vachitaura nevabereki vevana vari kuChina maererano nezve coronavirus. — Mufananidzo: Memory Mangombe

Kwayedza

Paidamoyo Chipunza
Hakuna chizvarwa chemuZimbabwe chiri kudzidza kana kushanda kuChina chati chabatwa nechirwere checoronavirus, hofisi inomirira China muno inozivisa.

Hofisi iyi inozivisa vabereki vane vana vari kudzidza kuChina kuti vakachengetedzeka.

Zvizvarwa zvemuZimbabwe zvinosvika 2 000 zviri kudzidza kuChina uye zvimwe zvikoro zveko zvakavharwa senzira yekudzivirira kupararira kwecoronavirus.

Izvi zvinotevera nyaya yakabuda yekuti zvimwe zvizvarwa zvekuChina zvave kushandisa chirwere ichi kudhurisa mari yedzimba dzekugara, mishonga nechikafu.

Pane chimwe chikoro cheko (zita tinaro) chinonzi chave kudhurisa chikafu chinobikwa pachikoro ipapo.

Vamwe vabereki vanoti vakaudzwa nevana vavo kuti chigubhu chemvura icho chaitengeswa R M B 10 chave kuita RMB30 iye zvino.

Vachitaura pamusangano wavakaita muHarare svondo rino nevamwe vabereki vane vana vari kudzidza kuChina, mutevedzeri wemumiriri weChina muno, VaZhao Baogang, vanovimbisa kuti vachakurukura nehutungamiri hwekunyika yavo kuti nyaya yekudhuriswa kwezvinhu iyi igoongororwa uye pagotorwa matanho.

VaBaogang vanoti hurumende yavo yakazvipira kubatsira nyika dzingada kubvisa zvizvarwa zvadzo zvichivadzosa kumusha, asi ndokuyambira kuti izvi hazvina kunyatsonaka.

“Kana nyika ichityira vana vayo uye ichida kuvadzosa kumusha, tinoitsigira asi tinokurudzira kuti rambai muri kwamuri.

“Kana ukabva panzvimbo yauri zvinogona kukonzeresa zvinhu zvakawanda,” vanodaro.

Vachipa muenzaniso weJapan, VaBaogang vanoti vanhu vakaburitswa muChina vari mundege, kana mumwe wavo aine chirwere ichi anogona kuchitapurira kune vamwe.

Vanoti pakatanga chirwere ichi kupararira, Japan yakaburitsa vanhu vayo muChina uye ndipo pachakatanga kuwedzera vanhu vakawanda vachichibatira ikoko.

“Panguva ino yakaoma kudai, tinofanirwa kuramba takabatana uye tinofanirwa kuhwina hondo iyi tikurire Covid-19,” vanodaro VaBaogang.

Vanosimbisa vabereki kuti vasatyire vana vavo kana kuvhunduka vachiti vakachengetedzeka kuChina.

“China yaita zvose kuti irwise chirwere ichi uye yaenda pamberi nekutevedzera zvinodiwa nesangano reWorld Health Organisation (WHO),” vanodaro.

Sachigaro wesangano reZimbabwe Students in China Association, VaPaul Musodza, vanoti vacharamba vachishanda nehofisi inomirira China muZimbabwe kuti nyaya dzose dzinenge dzasimudzwa nevabereki dzigogadziriswa.

Kusvika pari zvino vanhu 3 000 vafa nechirwere cheCovid-19 kuChina.

Vamwe 90 000 vabatwa nacho kozoti 50 000 vakarapwa vakatoburitswa muzvipatara pasi rose

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey