‘Musawore mwoyo nepairesi’

12 Oct, 2018 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Abel Ndooka

MUIMBI wenziyo dzechitendero – Ziggie Humphrey Chakanyuka – anoti vaimbi havafanirwe kuwora mwoyo nekuda kwepairesi asi kuti varambe vakatsungirira mubasa ravo vachibura dzimwe mhanzi itsva.

Chakanyuka, uyo muindasitiri yemhanzi anozivikanwa saZiggie The Crusader, anoti zvakakosha kuti vaimbi varambe vachitsikisa mhanzi uye vasaneta nekuda kwepairesi sezvo basa ravo riri rekuparidza shoko rakanaka nekudzidzisa veruzhinji.

“Tinoona kazhinji vaimbi vachiita sekunge vaneta chaizvo nekuda kwezvikonzero zvakasiyana asi chokwadi ndechekuti zvemhanzi zvinoda hushingi nekuti mubairo uchauya hawo mangwana.

“Tinobuda mari yakawanda tichibika mhanzi asi zvichirema, vamwe vachikohwa patinenge tarima isu uye ukazvitevedzera unopedzisira waramwa. Saka panguva yakadai ndipo paunofanirwa kuonekwa uchisimuka uchirakidza nyika yese kuti munyaya dzemhanzi wauya zvachose uye hausi kudzokera shure,” anodaro.

“Basa redu kuparidza shoko saka ngatisaneta kushumira uye kuparidza shoko kuburikidza nemagitare,” anodaro Chakanyuka.

Kubvira muchinda uyu apo akatanga kuita zvemimhanzi, akwanisa kuparura madambarefu mashanu anoti Holy Ghost Naked Wire, Rock n Roll for Jesus, We Lead they Follow (Tiri vemberi), Vavengi Vekurebwa Mushwe naAnandimenyera Pankondo iro riri kunetsa zvikuru nekuimbwa mumakereke akasiyana munyika muno.

 

Share This:

Sponsored Links