Uncategorized

MUSHA URI KUDONHA ROPA . . . ndipo pane chitunha chekumboimba . . . baba vepo vaisapinda muchimbuzi

28 Sep, 2021 - 16:09 0 Views
MUSHA URI KUDONHA ROPA   . . . ndipo pane chitunha chekumboimba . . . baba vepo vaisapinda muchimbuzi

Kwayedza

Kingstone Mapupu

ZVIRI kuitika kumhuri igere papurazi reKatawa riri kuRaffingora, kudunhu reMashonaland West zvinodarika mashura.
Nguva pfupi yadarika chitunha chehama yavo chinonzi chakaimba chichitsinhira nziyo dzaiimbwa parufu vanhu vakatombodzvamuka kutiza mumba machaive.

Sezvinonzi zvakaitwa nechitunha chaAffet Mupeyami zvekuimba zvishoma, pamusha apa panonzi pari kudonha ropa mumba iro risiri kuzivikanwe kwarinobva uyewo mumwe mwana wepo achinzi anosimudzwa nechipoko chemufi orembera mumhepo.
Kwayedza nguva yadarika yakaburitsa nyaya yemwanakomana wepamusha apa – Affet (19) – uyo anonzi akafa, mutumbi wake ukaimba kwemazuva matatu uchitsinhira vanhu vaimuchema zvikaita kuti hama neshamwari dzimboita bararamhanya kutiza.
Mai Dadirai Nyamhandu (53), vanova amai vaAffet vanotsinhira nyaya yemashura matsva ekudonha kweropa mumba yavanorara.

“Izvozvi mumba mandinorara ndakaona ropa rakadonha kubva mubhedhuru mangu kunosvika mumba yekutandarira asi handina kuona kuti rabva kupi. Pairwara baba vemusha uno, mushakabvu VaSam Mupeyami, zvakamboitika zvakare makare mumba imomu tikashaya kuti ropa rabva nekupi,” vanodaro Mai Nyamahandu.

Kusagadzikana kwezvinhu kwazonyanyobuda pakafa Affet mwedzi mina yakadarika asi vanoti zviratidzo zvagara zviripo.
Vakamboona mupurwa uchibuda mumba mavo, vakazouona zvekare uchinwa mvura mumidziyo yavo.

“Baba vachirwara, ropa iri takariona vachibva vazoshaika. Mutumbi waAffet wakaimba kwemazuva matatu tikauviga uchingodaro. Svondo rakapera ndakazoona ropa raiva nemutsetse wemadonhwe aibva muimba yangu yekurara kunosvika muimba yekutandarira. Ndipo pamwe chete paraiva pakazoshaika baba. Tazvishairwawo pazvo,” vanodaro Mai Nyamhandu.
“Mumwe mwana wangu ari kugara achiona chipoko chaAffet, icho chinomusimudza mudenga chichizomudzosera pasi.”
Pakaonekwa ropa iri, vanoti mumwe wevanakomana vavo, Fannuel Mupeyami (37) akabva atanga kurwara nechipfuva sekurwara kwaiita Affet.

Vanoti ivowo vanorohwa nezvinhu zvavasingaone izvo zvakatanga murume wavo achiri mupenyu.
“Ndapfidza nekurohwa nezvinhu zvandisingaone, ndinongonzwa mambama nezvibhakera zvekuti vanhu vanozongonzwa ndava kuchema. Ndinotanga kuona moto unongobvira pamberi pangu, ndozorohwa zvakaomarara, kunyangwe ndikamhanya zvinonditevera,” vanodaro.

Mai Nyamhandu vanoti vasara nevana vashanu vanosanganisira Luckmore Mupeyami (34), Never Mupeyami (26) naFannuel Mupeyami (37).
Mhuri iyi inoti kwavanofamba vanonzi mashiripiti ose aya anokonzerwa nemishonga yakanga yakatsvagwa nababa vavo vekushaika.

“Murume wangu ane kun’anga uko akaenda akanonzi aifanirwa kutora ropa rangu pakusununguka kwemwana wedu wekutanga uyewo nerekutevera. Asi, vanonzi vakazotadza kuita izvi vakanotora ropa remutorwa kuti vakwanise kusimudzirwa pabasa nekubudirira paupfumi, zvisinei nekuti hapana upfumi hwavakazomboita.”
VaSam Mupeyami, baba vepamusha uyu, vanonzi vaiva nemuko wekuti vaisazvibatsirira muchimbuzi, asi musango chete. Kana dai zviome sei!

“Baba vaiita zvinoshamisa sezvo vakanga vasingapinde muchimbuzi, vaizvibatsirira musango chete chete.
“Pano vakapwanya chimbuzi chakanga chavakiswa nevana vachiti chaikanganisa chivanhu chavo. Vaienda kusango rekumabvirazuva kwemusha nguva nenguva, kunyangwe kuchinaya sei kana husiku ndiko kwavaienda vachisiya chimbuzi pano pamusha. Ndokusaka vakazochipwanya,” vanodaro Mai Nyamhandu.

Mai Dadirai Nyamhandu

Vanoti murume wavo paakarwara, akaenda kuchipatara cheBanket asi akatiza muchipatara ichi nekuda kwekuti hakuna kumwe kwaaigona kuzvibatsira kunze kwekupinda muchimbuzi.

“Muko wavo pavakapinda muchipatara wakanga wava kukanganiswa, pavakangonzwa kuda kuenda kuchimbuzi vakabva vatiza muchipatara ndokunotsvaga sango vachibva vadzoka kumba.

“Vaiti kunyangwe vakabvakacha sekuhanzvadzi yavo kuHarare, vaisiya pamba vopihwa mari yekukwira kana bhazi kana kombi kuenda kune sango vozodzoka kumba vazvibatsira,” vanodaro.

Murume uyu vanoti ainwa doro zvinoshamisa – zvekupedza marita 20 ehwahwa hwemasese nenguva diki-diki izvo zvinonzi zvikwambo ndizvo zvaikwekweta doro iri.

“Husiku baba vaicherera mishonga mativi ose echivanze, mumwe vachiisa muhari itsva. Pane mupurwa unoonekwa kumunda nemumwe unonwa mvura pano pamba. Izvozvi ndiri kunzi vana vangu vashanu vasara ava vachapera kufa kana mishonga yakasiiwa nababa iyi isina kubviswa.”

Vanoenderera mberi: “Tinoda kubatsirwa nemhuri yeZimbabwe kune vanogona zvemweya, dzingava n’anga kana maporofita. Kune vanoda kutibatsira vanotibata panhare dzinoti 0775 546 075,” vanodaro Mai Nyamhandu.

Vamwe vekwaMupeyami vanosanganisira Luckmore Mupeyami (34), Never Mupeyami (26) naFannuel Mupeyami (37) vanotsinhira matambudziko aya.

Share This:

Sponsored Links