Uncategorized

Musha wopinda mhepo . . .Vanongofa 21 Kurume

12 Apr, 2019 - 00:04 0 Views
Musha wopinda mhepo . . .Vanongofa 21 Kurume Lancelot Zhakata (wechitatu kubva kuruboshwe) nemhuri. — Mifananidzo naEdward Zvemisha

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VANHU vemhuri imwe chete kwaMambo Chipuriro, kuGuruve, vanonzi vanofa musi mumwe chete, mwedzi mumwe chete — 21 Kurume (March) —mumakore akasiyana, vamwe vacho vachibatwa nedenda rekurasika njere munguva yakangofanana.

Mhuri yaVaLancelot Zhakata (84), avo vanogara mubhuku raMakunde Zhakata riri pedyo nechikoro cheNyamhondoro ndivo vari kusangana nemashura aya.

Vanhu vana — vana vatatu naamai vavo — vafa zuva rimwe chete (21), mwedzi mumwe chete (Kurume) asi mumakore akasiyana.

Akapedzisira kufa musi wa21 Kurume gore rino ndiEmily Zhakata anga ari mumwe wemadzimai aVaLancelot Zhakata avo vanga vaine chipari chemadzimai matatu.

Mumakore 20 adarika, mumhuri iyi mafa vanhu vanodarika 31 — zvichireva kuti munofa chipo chevanhu vaviri pagore.

Mumwe wemhuri iyi, Shepherd Zhakata (44), anoti vanhu vakafa nemusi wa21 Kurume mumakore akasiyana ndiRobson Zhakata (21 Kurume 1999), August Zhakata (21 Kurume 2003), Simon Zhakata (21 Kurume 2004) naamai vavo Emily Zhakata avo vakapedzisira kufa musi wa21 Kurume gore rino.

Vanakomana vatatu vakashaika zuva rakafanana ava ndevemumba mumwe chete uye vari vatevedzani.

“Mune zvakakomba mumusha muno. Fungai kuti mukati memakore 20, mumhuri yedu mafa vanhu vanodarika 31. Vafa mazuva nemwedzi zvakafanana i4, vose vemumba medu.

“Zvekare, madzimai ose ari pachipari — kusanganisira amai vedu vakafa nevaripo — vanowirwa nedambudziko rekutaika njere,” anodaro.

Vamwewo mumhuri iyi — vakuru nevadiki — vanonzi vanorwara nepfungwa rinova dambudziko rinotanga mumwedzi waKurume zvakare.

VaLancelot Zhakata vanoti mumusha mavo mune zvikukutu.

“Vanhu vapera kufa uye chishamiso chiri pakuti vanofa zuva rimwe chete ra21 March. Vamwe vari kurwara nepfungwa.

“Ini zvangu ndakazvarwa muchiKirisitu, ndinonyanya kuita zvekuenda kumadhokotera kwete zvekun’anga nemaporofita.

“Asi kana zvadai, tochitotsvaga rubatsiro asi handidi n’anga, ndingada maporofita asingabhadharise nekuti chekuvapa hatina,” vanodaro baba vemhuri ava.

Tinashe Zhakata (37) — uyo anove mwana wemumwe mudzimai waVaLancelot Zhakata – anoti kwavanofamba vachizvitsvaga zvinonzi pane vemumhuri mavo vakaromba.

“Amaiguru ndivo vapedzisira kufa pamusoro pevana vavo vaitevedzana avo vakafa zuva rakafanana. Tine mumwe mukoma wemumba imwe chete yaamaiguru vekuzofa ava akadonherwa nedombo mumugodhi akaremara achangobva kunoviga mumwe mukoma wedu mumwedzi waMarch iwoyu. Saka kana mwedzi uyu wave kusvika, tinototya zvikuru,” anodaro.

Anotsinhirawo nyaya yekurasika njere kwevemhuri yavo achiti amai vake — avo vanova mudzimai wechipiri pabarika iri — vari kutorwarawo zvikuru nepfungwa.

“Amaiguru vakafa vave kurwara nepfungwa, amai vangu vane dambudziko rimwe chete irori. Amainini, mukadzi wababa mudiki anodzimbikanawo nezvimwe chetezvo.

“Tine vamwe vane chitsama vanorasika njere — vamwe vacho pavanenge vangopedza dzidzo yepamusoro. Vanasikana vari kurambwa nevarume vazara mumusha wedu, isuwo tinongodzingwa pamabasa zvisina tsarukano,” anodaro.

Rimwe dambudziko rinonzi rakatarisana nemhuri iyi kutsakatika kunoita mari yavo nekurambwa kwevarume nemadzimai avo.

Shepherd Zhakata anoti munguva pfupi ichangodarika, akangoshaya $256 yaiva muchitoro chake panzvimbo yeShinje.

Sabhuku Zhakata, VaElias Zhakata (79), vanotsinhira matambudziko ari mumusha mavo vachiti zvava kuda kugadziriswa nekukasika.

“Tine vanhu vanokwana vana vakafa zuva rakafanana, musi wa21 March, avo vanova vanin’ina kwandiri kozoti amai mudzimai wababa. Vamwe vanongorwara nepfungwa nezvimwe, hamheno pamwe mumusha muno mune ngozi kana kuromba. Pamakore 20 adarika, mumusha mafa vanhu vanodarika 31 kureva kuti tave kupera,” vanodaro.

VaFanuel Zhakata (48) — avo vanoti vakadonherwa nedombo mumugodhi mavaishanda vachangobva kunoviga mukoma wavo — vanoti mwedzi waKurume une jambwa rekuromba uko wakaitwa mudzinza ravo.

“Musi wa21 March uno amai vakashaya, musha wose tiri kupera nekufa pazuva iri. Vamwe vapera kurwara nepfungwa, tine vana vakadzidza asi vongoita mazungairwa,” vanodaro.

Pane mashoko anoti Emily ave kumuka chipoko ayo ari kutsinhirwa nevamwe vemumhuri iyi kunyangwe zvazvo vamwe vachizviramba.

Muzukuru wekwaZhakata — Tawanda Chimbariro (30) — anoti madzisekuru ake vanofanirwa kufamba vagadzirise dambudziko iri.

Vamwe vakashaika vemhuri iyi vachishandisa kuti Zhakata ndiPaul, Evans, Timothy, Evurayi, Simon, Pamba, Tendai, Enrod, Chakiringa, Robson, August, Paul (jnr), Perfect naLast.

Vamwe ndevanoti Grieves, William, Benson, Wimbo, Wickliffe, Tichaona, Isaac, Blessmore, Plaxedes, Ellen, Farai, Agnes, Oripa, Ketai, Simba, Samuel naSarudzai.

Share This:

Sponsored Links