Mushakabvu ‘otumira’ amai vake mashoko panhare

14 Jun, 2024 - 10:06 0 Views
Mushakabvu ‘otumira’ amai vake mashoko panhare Asst Insp Wiseman Chinyoka

Liberty Dube

MURUME wekwaMutare anonzi akaponda mudzimai wake achimupomera mhosva yekusavimbika ndokuzotumira amai vemukadzi uyu mashoko panharembozha yemushakabvu achiitira kuti ambuya vake ava vafunge kuti mwanasikana wavo mupenyu uye ari kushanda basa remumba kuChipinge.

Stephen Musimwa ari kupomerwa mhosva yekuponda mudzimai wake, Gladys Manyaire (27), uyo mutumbi wake wakawanikwa uri murukova mumusha weMwaamba, kwaMambo Zimunya.

Mutumbi wake, uyo waive waora zvakanyanya, wakaonekwa uine mavanga ekuchekwa akadzika zvikuru.

Banga rinofungidzirwa kuti ndiro rakashandiswa pahumhondi uhwu rakanhongwa panzvimbo iyi.

Amai vemushakabvu, Mai Winnie Manyaire, vakaudza matikitivha kuti vaigara vachitambira mashoko kubva kunharembozha yemushakabvu apo mwanasikana wavo anonzi aigara kuChipinge achiita basa remumba nyambisirwa ainge akatourayiwa nechekare.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Assistant Inspector Wiseman Chinyoka, vanotsinhira nyaya iyi vachiti pane fungidziro huru yekuti Musimwa ndiye aitaura naambuya vake achishandisa nhare yemufi.

“Nemusi wa29 Zvita 2023, nyakupomerwa mhosva yekuponda uyu anonzi akatumira mashoko panharembozha yaGladys achimukumbira kuti aende kwaMutare nemusi wa30 Zvita 2023, kuti vanotora gwaro rekuzvarwa remwana wavo.

“Mushakabvu uyu akakurukura naamai vake, Mai Winnie Manyaire, avo vakamukurudzira kuti aende kwaMutare sekukumbira kwaMusimwa.

“Musi wa30 Zvita 2023, Gladys akabva pamba akananga kwaMutare nechinangwa chekunoonana naMusimwa. Ndiro zuva raakapedzisira kuonekwa naamai vake ari mupenyu.

“Nemusi wa4 Ndira, 2024, nenguva dza8 mangwanani, mutumbi wake wakawanikwa murukova rwunodira murwizi Musengezi mumusha waMwaamba nekakomana kane makore gumi okuberekwa ako kaitsvaga matoki avo.

“Akamhanyira kunoudza vabereki vake avo vakamhan’ara nyaya iyi kumapurisa. Mapurisa akaenda panzvimbo iyi ndokutora chitunha icho chakanga chakaradzikwa murukova chave kuora. Muviri wacho wainge wakapfeka nguwo yejean ine ruvara rweblue, chipika chebrown nemaroon nejuzi jena. Shangu dzemufi dzakawanikwa mamita mashanu kubva paive nemutumbi wake.

“Maronda ekuchekwa akaonekwa paminwe yekuruboshwe rwemushakabvu. Kumwe kukuvara kwemuviri waGladys hakuna kukwanisa kuonekwa zvakanaka nekuda kwekuti mutumbi wake wainge waora zvakanyanya. Banga rakashandiswa pahumhondi uhwu rakawanikwa chinhambwe chemamita 3,5 kubva paiva nemutumbi waGladys,” vanodaro.

Asst Insp Chinyoka vanoti Mai Manyaire vakabvunzurudzwa nemapurisa uye vakaratidza kuti vaigara vachitambira mashoko panharembozha yavo kubva kune mumwe munhu aishandisa nhare yemushakabvu inoti 0779 341 981.

“Munhu uyu anonzi aizviita mwana wavo (anova mushakabvu) uye achiti aishanda kuChipinge semusevenzi wemba.

“Mai Manyaire vanotiwo vari kutambira mameseji kubva kunhare yemukuwasha wavo uyo ari kupomerwa mhosva iyi inoti 0785 086 705, achibvunza nezvemwanakomana wake uyo vanogara naye. Mukuwasha akanyorerawo amai vemushakabvu mashoko achivaudza kuti Gladys aisadaira nhare dzake.

“Mai Manyaire vakaenderera mberi vachiti mukuwasha uyu akasvika kumba kwavo nemusi wa3 Ndira 2024 nenguva dza1 mangwanani achisiira mwana wake nharembozha yekuti atambe nayo mitambo.

“Mushure mekuongorora mameseji aMai Manyaire, zvinofungidzirwa kuti murume uyu ndiye ari kutaurirana navo achishandisa nhare yemufi.

“Pane kuwirirana pakati pemanyorerwo emameseji ayo anonzi ndeemufi neanofungidzirwa kuti akatumirwa kunharembozha yaMai Manyaire nemukuwasha wavo izvo zvinopa fungidziro huru yekuti mukuwasha wavo uyu ndiye ari kutumira mameseji aya,” vanodaro.

Asst Insp Chinyoka vanokumbira veruzhinji vane ruzivo rwekuna Musimwa kuti vataurire mapurisa ari pedyo navo kuitira kuti asungwe.

Share This:

Sponsored Links