Mushandi agumbuka, ndokuparadza gonhi rehofisi yashefu

27 Apr, 2023 - 08:04 0 Views
Mushandi agumbuka, ndokuparadza gonhi rehofisi yashefu Dare

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MURUME wekuChitungwiza uyo anoshandira kambani yevarindi yeGreater Security Service akamuka chibhebhenenga ndokutema musuwo wehofisi yemukuru wake nedombo mushure mekunge vanetsana apo aida kusiya basa.

Believemore Kusena (31) wepanhamba 12845 Unit N, kuChitungwiza, akatema musuwo wehofisi yaElphas Makarudze (40) wekuGreater Security Service nedombo kaviri kose achiratidza hukasha hwake.

Musuwo wakaparadzwa unokosha US$28.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrate’s Courts, Hurungudo, vakamupa chirango chekugara mujeri kwemwedzi misere vakazomubvisira mwedzi miviri nechitsidzo chekuti haafaniri kupara imwe mhosva yerudzi urwu makore mashanu asati adarika.

Vakamubvisira mimwe mwedzi miviri nechivimbo chekuti anofanira kuripira mumhan’ari US$28 musi wa28 Kubvumbi usati wadarika.

Muchuchisi VaMunyaradzi Chisvo vakaudza dare kuti nemusi wa24 Kurume gore rino, panhamba 31602 Unit G kuChitungwiza – Kusena akanetsana naMakarudze achibva apwanya musuwo wehofisi yake nedombo.

“Kusena akauya kuhofisi yangu akati ava kuda chitupa chake ndikati kwakanaka here asi wava kuda kusiya basa? Akati hongu ndikati haungasiye basa uchida kuti kambani isare ichibhadhara zvikwereti zvako.

“Ndakamuyambira kuti agare pasi tiyanane sezvo taive tambonetsana naye svondo rapfuura racho asi akaramba achiita nharo. Pasina nguva, akabva atora dombo ndokutema musuwo wehofisi yangu, akarinhonga zvekare ndokutema kechipiri,” anodaro Makarudze.

Anoti mushure mekuparadzirwa musuwo wehofisi yake, akaona zvakakodzera kuti amusungise.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey