Mushandi atiza neUS$4 600 yebasa

02 May, 2023 - 19:05 0 Views
Mushandi atiza neUS$4 600 yebasa Dare

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MURUME wekuChitungwiza wekutiza neUS$4 600 iyo ainge atumwa kuti anotenga midziyo yebasa yekambani yaaishandira akaigochera pahutsi zvichitevera kutongerwa kwaaitwa kugara mujeri kwemwedzi 27.

Naison Kashiri (35) wekuNew Manyame Park amiswa pamberi pedare reChitungwiza Magistrate’s Courts nemhosva yekuba zvinhu zvaakange akachengeteswa.

Kashiri haana kuda kupedzera dare nguva sezvo abvuma mhosva yake.

Mutongi Hurungudo vamupa chirango chekugara mujeri kwemwedzi 27 uye vazomubvisira mwedzi mitanhatu nechitsidzo chekuti haafaniri kupara imwe mhosva yerudzi urwu makore mashanu asati adarika.

Vamubvisira mwedzi mitanhatu zvekare nechitsidzo chekuti anofanira kuripira mumhan’ari US$4 600.

Mwedzi mipfumbabwe yange yasara vaibvisa nechitsidzo chekuti Kashiri anofanira kunofondoka kwemaawa 345.

Muchuchisi VaMunyaradzi Chisvo vaudza dare kuti nemusi wa4 Kurume gore rino, mumhan’ari Cephas Sibanda (39) wepanhamba 19244 Zengeza 5, kuChitungwiza anova director wekambani yeCephas Trading Company – iyo iri panhamba 20068 Tilco Industries, kuChitungwiza kwekare, akapa Kashiri US$4 600 kuti anobhadhara midziyo yekuvaka asi akabva angoita museve waenda neuma.

Sibanda akaedza kumufonera kakawanda asi nhare yake yaisadairwa.

Nemusi wa14 Kubvumbi gore rino, Sibanda akabva anyeverwa kuti Kashiri akanga ari kuHurungwe uko aitoita bhizimusi rekuhodha fodya kuvarimi achitengesa.

Akamuridzira nhare zvekare achibva ataura kuti aizodzora mari yake kana achinge apedza kuendesa fodya yaaihodha kumusika.

Sibanda akabva amhan’ara kumapurisa achibva abatsirwa nematikitivha kuronda Kashiri kuHurungwe kudakara vazomusunga akatohwanda.

Share This:

Sponsored Links