Mushandi wemumba aba US$500

12 Jun, 2022 - 10:06 0 Views
Mushandi wemumba aba US$500 Dare

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUSIKANA aisevenza mumba kuChitungwiza akakundikana kuvimbika ndokubira vaaishandira US$500 yainge yakachengetedzwa mumba neimwe yaive mumotokari.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrate’s Courts, VaPrince Hurungudo, vakapa Tariro Linde (20) wepanhamba 4832 Unit C chirango chekugara mujeri kwemwedzi 18.

Akazobvisirwa mwedzi misere pachirango ichi nechitsidzo chekuti haafanirwe kupara zvekare mhosva yerudzi urwu makore mashanu asati apfuura.

VaHurungudo vanoenderera mberi nekumubvisira mwedzi mitanhatu nechitsidzo chekuti anofanira kudzosera mumhan’ari mari yake yaakarasikirwa nayo pamwe nekufondoka pasina muripo kwemaawa 315 paChitungwiza Magistrate’s Courts.

Muchuchisi Pamela Dzinduwa audza dare kuti kubvira mumwedzi waNdira 2022 kusvika 28 Kubvumbi, mumhan’ari – Lovemore Makuvatsine (66) – anga akachengeta mari yake US$700 mumba uye US$800 yaigara mubhuti remotokari.

Mumazuva akasiyana, Linde akanga achiba mari iyi achiishandisa.

Nemusi wa28 Kubvumbi, Makuvatsine akatarisa mubhuti remotokari yake achibva aona kuti pamari yake yaaive akaisamo paive pasisina US$200 achibva amhanya kunotarisa imwe yaive mumba ndokuona pasina zvakare US$300.

Akaenda kunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa nemusi wa30 Chivabvu zvikaita kuti Linde asungwe.

Paakabvunzurudzwa nematikitivha, Linde akadura kuti ndiye akaba mari yose US$500 uye kuti akanga asara neUS$100 yaainge akaviga muhwidibiro yenharembozha yake, imwe US$88 akanga akaichengetesa kunaGift Mafuu paTafa Shop kuUnit D achiitira kuti azopota achinotora magirosari.

Imwe mari akanga ashandisa kutenga mbatya dzake kuJambanja Flea Market muChitungwiza mekare nekudaro akaenda nemapurisa achinovaratidza vanhu vakamutengesera vanova vakabvuma uye vauya kudare kuzopa hufakazi.

“Mhosva yekubira murungu wangu ndinoibvuma uye imwe mari ndakaishandisa kutenga mbatya negumbeze rangu. Mari yose yandakaba iUS$500,” anodaro Linde.

Mbatya dzaakatenga nemari iyi dzaburitswa mudare seumbowo.

Makuvatsine akarasikirwa neUS$312 sezvo US$188 yakawanikwa kuna Linde.

Share This:

Sponsored Links