MUSHEKWI ANE ZVIPO . . . kunze kwebhora anotamba rugby, basketball nemujaho

11 Oct, 2019 - 00:10 0 Views
MUSHEKWI ANE ZVIPO . . . kunze kwebhora anotamba rugby, basketball nemujaho Nyasha Mushekwi

Kwayedza

Abel Ndooka
MUNIN’INA waNyasha Mushekwi uyo anove mutambi wemaWarriors nechikwata cheZhejiang Greentown chekuChina – Elvis Mushekwi – anoti mukoma wake munhu ane zvipo zvemitambo yakasiyana izvo zvakamuona achitamba mitambo yakadai serugby nebasketball uye zvenhabvu akaita zvemasanga nazvo.

Mukukura kwake, Nyasha aiitawo zvemutambo wemujaho wekumhanya zvakare. Nhabvu wakange usiri mutambo waaitamba zvakanyanya asi ndiwo wakazomuona achienda kunotambira kunyika dziri kunze dzinosanganisira South Africa, Belgium, Sweden nekuChina uko ari kutambira parizvino.

Elvis anoti Nyasha munhu ane zvipo zvemitambo yakawanda zvekuti dai asina kutamba nhabvu angadai akabudirira mune mimwe mitambo inosanganisira basketball kana rugby.

“Vanhu vanoziva Nyasha achitamba nhabvu asi mukukura kwake aitamba rugby, basketball nemujaho wekumhanya. Basketball yaive shasha manje uye akahwina mibairo yawakanda. Zvenhabvu zvakazongoitikawo asingafungire, akangonozama raki rake ndokupihwa mukana kuCAPS United uye kubva ipapo haana kuzotarira shure,” anodaro Elvis.

Nyasha akatanga kutamba nhabvu mugore ra2008 apo aive kuCAPS United uye ndokuzotengwa neMamelodi Sundowns yekuSouth Africa mushure memakore mashoma ndokugadzira zita rake. Muchinda uyu akazobva achienda kunotambira kuEurope kuzvikwata zvinosanganisira KV Oostende yekuBelgium kozoti Djurgardens yekuSweden uko kwaakanopisa akanwisa ka12 mumitambo 21 yaakatambira chikwata ichi.

Matambiro aakaita kuSweden, ndiwo akamuona achitengwa neDalian Yifang yekuChina iyo yaakatambira kwemakore mana uye ndokubatsira chikwata ichi kubva muDivision One chichizopinda muSuper League umo chiri kutambira parizvino. Ari kuchikwata ichi, Nyasha akambotamba nevatambi vane mukurumbira vakaita saYannick Carrasco wekuBelgium uyo akambotambira zvikwata zvinosanganisira Monaco yekuFrance uye Atletico Madrid yekuSpain kozoti Marek Hamsik wekuSlovakia akambonetsa achitambira Napoli yekuItaly.

Muchikwata ichi maive zvakare nechizvarwa chekuArgentina Nicolas Gaitan uyo aimbotambira Benfica yekuPortugal neAtletico Madrid. Elvis anoti iye naNyasha pamwe nemumwe mukoma wake – Ishamel – nehanzvadzi yavo vakachengetwa naambuya vavo sezvo amai vavo vachigara kunyika yeEngland.

Anoti ambuya vavo vaisada kuti Nyasha atambe nhabvu asi kuti aite zvemabhuku uye nemimwe mitambo asi iye zvino vanodada naye nekubudirira kwaakazoita mumutambo uyu.

“Takakura tichichengetwa nagogo, amai vedu vaenda kuEngland uko vanogara vachishanda. Saka gogo vaida kuti tiite zvemabhuku asi Nyasha akangoshinga akaenderera mberi nenhabvu. Asi nhasi vanodada nekubudirira kwaakaita nemutambo uyu uye kwaasvika nawo nhasi.

“Kuburikidza nenhabvu, ari kutichengeta uye ari kubatsira vanhu vakawanda,” anodaro.

Mumhuri mavo, Nyasha ndiye akakwanisa kutamba nhabvu zvekusvika kure. Ishmael anonzi akambozama raki rake kuCAPS United asi akazofunga zvekusiya ndokutanga kuita zvemabhizimisi.

Elvis anoti iye ari kuenda kuchikoro chekubika sezvo achida kuzoita basa rehuchef.

“Ini ndine rudo munyaya dzekubika, ndofarira kubika zvikuru saka ndizvo zvandiri kuendera kuchikoro. Nyasha ndiye anotondikurudzira kuti ndienderere mberi nezvandinoda kuita. Nhabvu handina hangu kumboita shungu nayo zvakanyanya, asi mumwe mukoma wangu Ishmael ndiye akamboenda kuCAPS United asi haana kuzosvika kure,” anodaro.

Nyasha aive muzvikwata zviviri zvemaWarriors zvakakwikwidza kumakwishu eAfrica Cup of Nations mugore ra2017 kuGabon uye negore rino kuEgypt.

 

Share This:

Sponsored Links