Mushikashika hokoyo wapera!

22 Sep, 2022 - 15:09 0 Views
Mushikashika hokoyo wapera! Asst Comm Paul Nyathi

Kwayedza

Freeman Razemba

MAPURISA atanga chirongwa chekusunga motokari dzemushikashika nemakombi avo vanotakura vanhu zvisiri pamutemo uye kubva neMuvhuro svondo rino, kwasungwa dzinosvika 81.

Chirongwa ichi chiri kuitwa nemapurisa akabatana nemamwe mapoka anosanganisira Central Vehicle Registry (CVR), ZINARA, Zimbabwe Revenue Authority (Zimra), Harare City Council Traffic Police pamwe chete neVehicle Inspection Department (VID).

Izvi zvinotevera kuwanda kuri kuita motokari dziri kufamba pamigwagwa dzisina magwaro akakwana.

Mota dzisina kunyoreswa zviri pamutemo dziri kushandiswa mukuparwa kwemhosva dzinosanganisira mbavha dzinoba dzakapakata zvombo, kubiwa kwedzimwe mota pamwe nekutiza mushure mekuita tsaona.

Pamusoro pezvo, vamwe varidzi vemotokari itsva havasi kuchinjisa magwaro adzo kuti dzive mumazita avo izvo zvinoita kuti zvisave nyore kudzironda kana paitika tsaona nezvimwe.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti chirongwa chekusunga motokari ichi chakatangira muHarare uye chichapararira kune dzimwe nzvimbo nyika yose.

Vanoyambirawo vafambi vanoshandisa mota dzemushikashika nemakombi asina kunyoreswa pasi pekambani yeZUPCO kuti vanenge vachiparawo mhosva.

Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaInnocent Ruwende, vanoti kanzuru yavo iri kushanda pamwe chete nemapurisa mukuona kuti muguta muri kufambika zvakanaka uye nekuti hapana vari kutyora mitemo yemumigwagwa.

Share This:

Sponsored Links