‘Mushonga ngauve wevanhu vose’

04 Jan, 2021 - 01:01 0 Views
‘Mushonga ngauve  wevanhu vose’ Dr Tedros

Kwayedza

SANGANO rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisation (WHO) rinoti zvakakosha kuti mushonga wekudzivirira kubatwa nechirwere cheCovid-19 (vaccine) uwaniswe nevanhu vose vari panjodzi yekubatira denda iri, kwete nenyika dzakapfuma chete.

Dr Tedros Adhanom Ghebreyesus – avo vanova WHO director-general – vakatura chikumbiro cheUS$4 bhiriyoni yekutenga mishonga yekudzivirira chirwere ichi nechinangwa chekuti igopihwa kunyika dzine vanhu vanotambura nevanorarama upenyu huri pakati nepakati (middle-income countries) pasi pechirongwa cheCOVAX vaccine facility.

“Ichi ndicho chimhingamupinyi chatinofanirwa kutarisana nacho apo tiri kutanga gore idzva,” Dr Tedros vanodaro mumashoko avo akaburitswa svondo rino.

“Mishonga yekudzivirira chirwere ichi inopa tariro huru yekukunda denda iri. Asi nechinangwa chekuchengetedza pasi rose, tinofanirwa kuona kuti vanhu vari panjodzi kwose-kwose – kwete vari kunyika dzinokwanisa kutenga mushonga uyu chete – vabaiwawo majekiseni ekudzivirira Covid-19,” vanodaro.

Vanokurudzira nyika dzose kuti dzione kuti mushonga uyu wawanikwa nevanhu vose vari panjodzi yekubata chirwere ichi.

Chirongwa cheCOVAX chine chinangwa chekuona kuti nyika dzinotambura dzawana mushonga wekudzivirira Covid-19 uye nemusi wa18 Zvita pakaitwa chibvumirano chekuti dziwaniswe majekiseni emushonga uyu anosvika 2 bhiriyoni apo anotarisirwa kutanga kubaiwa vanhu mukutanga kwegore rino ra2021 .

Chikwata chenyanzvi dzeWHO chinotarisirwa kushanyira nyika yeChina muvhiki rekutanga raNdira nechinangwa chekuongorora kwakabva chirwere cheSARS-CoV-2 virus icho chakanyuka kunzvimbo yeWuhan munaZvita 2019.

Vanhu vanodarika 81,84 miriyoni vanonzi vakabatwa nechirwere cheCovid-19 pasi rose apo vamwe 1 788 443 vakafa.

“Zvinogona kuitika ndezvekuti hutachiona hwecoronavirus – uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 – uhu hucharamba huripo asi huchive njodzi isina kunyanya panyaya dzeutano nekuda kwechirongwa chekubaiwa majekiseni ekudzivirira chirwere ichi pasi rose,” vanodaro VaMike Ryan avo vanova mumwe wenyanzvi dzeWHO apo vaitaura kuvatori nenhau nemusi weMuvhuro. – Wires.

Share This:

Sponsored Links