Mushonga wavepo

01 Jun, 2021 - 11:06 0 Views
Mushonga wavepo

Kwayedza

Thandeka Moyo-Ndlovu

VAGARI vekuBulawayo iye zvino vave kukwanisa kuenderera mberi nekubaiwa majekiseni ekutanga (1st dose) ekudzivirira chirwere cheCovid-19 zvichitevera kusvika kwakaita mamwe majekiseni 5 400 emushonga weSinopharm vaccine.

Majekiseni ekutanga aya ainge apera sezvo vanhu vakawanda vari kubaiwa kudunhu iri.

Bulawayo iri kutungamira panyaya yekubaiwa majekiseni ekudzivirira Covid-19 zvichitevera kurudziro iri kuitwa nemutungamiriri wenyika President Mnangagwa nenyanzvi dzezveutano kuti vanhu vakawanda vabaiwe kuitira kuti nyika inge yakadziviririka kubva kudenda iri (herd immunity).
Izvi zviri kuuya panguva iyo Zimbabwe iri kurumbidzwa nekuda kwechirongwa chekubaiwa kwevanhu majekiseni aya.

Zimbabwe iri pakati penyika shoma dzakatanga kushandisa mushonga weSinopharm vaccine uyo uri kugadzirwa kuChina zvichitevera ongororo yakaitwa nenyanzvi dzezveutano.

Kusvika nemusi weSvondo, vanhu 670 755 vange vabaiwa majekiseni ekutanga ekudzivirira chirwere cheCovid-19 apo 341 218 vange vabaiwa echipiri (2nd dose) munyika yose.

Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 38 944 vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa muZimbabwe.

Pavarwere ava, 36 591 vakatopona asi vamwe 1 594 vakafa.

Mukuru wezveutano kuBulawayo – Dr Welcome Mlilo – vanoti majekiseni ekutanga emushonga weSinopharm akasvika kuBulawayo.
“Takatambira majekiseni 5 400 eSinopharm vaccine zvichitevera kushomeka kwaakange aita mudunhu rino. Iyi inzira yekufanobatsiridza chete apo takamirira kuuya kwemamwe majekiseni nekuti muBulawayo tinokwanisa kubaya vanhu vanosvika 2 000 sezvo vanhu vari kuuya nehuwandu hwavo,” vanodaro Dr Mlilo.

“Tinokurudzira vanhu kuti vave nemwoyo murefu apo tiri kuzama kuti tiwane majekiseni akawanda uye avo vari kufanirwa kubaiwa majekiseni epiri vanosungirwa kuenderera mberi nekuti tinoaisa padivi apo vanobaiwa ekutanga,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Tinoziva kuti kune mamwe matunhu asati apedza majekiseni aakapihwa pakutanga saka tiri kuita hurukuro nebazi rezveutano nekurerwa kwevana kuti vatipe mamwe emajekiseni aya.”

Dr Mlilo vanoti kudiwa kwemushonga weSinopharm vaccine kwakawedzera pasi rose zvichitevera kupasiswa kwawakaitwa nesangano reWorld Health Organisation (WHO).

Share This:

Sponsored Links