Uncategorized

Musika mutema watikuvadza: CZR

06 Oct, 2021 - 15:10 0 Views
Musika mutema watikuvadza: CZR VaMutashu

Kwayedza

Malven Mugadzikwa

SANGANO rinomirira vezvitoro reConfederation of Zimbabwe Retailers (CZR) rinoti musika wemukoto uri kushungurudza zvikuru vatengi sezvo vave kumanikidzirwa kutenga zvinhu sezvekudya nezvimwe zvekushandisa nemari yepamusoro yemuno kana yekunze.

Mukuru weCZR, VaDenford Mutashu, vanoti vezvitoro vari kukwidza mitengo yezvinhu vachishandisa “rate” yepamusika mutema zvisinei nekuti vamwe vacho vari kuwana mari kuburikidza nechirongwa cheHurumende che”auction system” apo vanowana mari yakaderera kudarika yepamusika mutema.

“Vezvitoro zvikuru vamwe vacho vari kuwana mari kuburikidza ne’auction system’ yevanoda kugadzira zvinhu muno pamwe chete nekutengesa zvinogadzirwa muno munyika. Zvisinei, vamwe vacho kana vave kutengesa zvinhu zvavo kana zvigadzirwa vari kutengesa nemari yakaenzana neyepamusika mutema.

“Vamwewo vezvitoro nemakambani ari kuwana mari yekunze yakachipa pa’auction system’ vari kubva vaidira pamusika mutema zvokonzera kuti ‘rate’ rirambe richikwira,” vanodaro VaMutashu.

Vanoti zvose izvi zvinoita kuti dambudziko guru riwire kumutengi sezvo ndiye anenge ava kutenga zvinhu nemari yepamusoro.

VaMutashu vanoti vashandi vazhinji munyika vari kutambira mari yemuhoro yemuno zviri kuita kuti dzimwe nguva pavanozotambira mari yavo inenge isingachatengi zvakawanda.

Vanotiwo zvimwe zviri kukwidza mitengo yezvinhu uye “rate” ndezvekuti vamwe vezvitoro zvidiki vasingakwanise kana kutenderwa kutenga mari pa”auction system” vari kupedzisira vatenga mari yekunze pamusika mutema zvoita kuti vaise mitengo yavo maererano nemawaniro avanenge vachiita mari iyi.

“Izvi zviri kuitika mumabhizimisi ndizvo zviri kuramba zvichiraramisa musika mutema uye kukuvadza upfumi hwenyika nekuderedza hukoshi hwemari yedu yemuno. Kune vamwe vari kutumirwa mari kubva kunze kwenyika, vave ‘kumbodzipisa’ pamusika mutema vachitengesera vanhu zvave kuita kuti musika mutema urambe uchirarama,” vanodaro.

VaMutashu vanoti hakuna anokwanisa kunyatsozviteverera kuti vari kupihwa mari yekunze yakachipa iyi, vakadai sevemakambani, vari kuzoishandisa nemazvo uye zvavaitorera here.

Vanoti izvi ndizvo zviri kuramba zvichikonzera kusagadzikana kwemari nekuti vazhinji vari kutora mukana uyu kuramba vachiisa mari mumusika mutema.

Zvisinei, VaMutashu vanoti vari kufara zvikuru sesangano rinomirira vezvitoro kuti zvizhinji zvacho zvave kutengesa zvinhu zvemuno munyika zvakawanda kudarika zvekunze, kunyanya zvekudya.

Vanoti izvi zvinoita kuti mari irambe ichitenderera munyika uye zvinosimudzira makambani emuno nekuwanisa vanhu mabasa.

Pari zvino pachikafu chinotengeswa muzvitoro, zvikamu makumi manomwe kubva muzana (70 percent) zvinenge zviri zvemuno.

Pane zvekupfeka nezvekushandisa mumabasa, VaMutashu vanoti zvikamu makumi masere kubva muzana (80 percent) zvinogadzirwa kudzimba.

Uyu mucherechedzo wekuti munyika muchine basa kuti indasitiri isimuke, ikwanise kutanga kugadzira zvekushandisa zvakawanda zvemuno uyewo nembatya.

Share This:

Sponsored Links