Musikana asiri chidhuura chidhori chefeki

22 Nov, 2019 - 00:11 0 Views

Kwayedza

IMBWA HAIHUKURIRE SADZA

naIgnatius
Mabasa

MWANASIKANA wangu, ndanzwa vachikuti uri imbwa. Ndarwadziwa nekutukwa kwako, nekuti kutukwa kwako kutukwa kwangu.

Kunzi uri imbwa zvinoreva kuti pane vari kunyaudzwa nekuhukura kwako.

Mwanasikana wangu, inga wani ndakakuudza kuti chausina hauna, uye zvisiri zvako hazvisi zvako nekuti iwe une zvako.

Igarawaziva mwanangu kuti nyoka haina makumbo, zvakare harisi gangaidzo kana nepadiki, kuti tsuro haina nyanga.

Masikirwo azvo ndiwayo, uye kana isu tiri mbeu yemanhanga, ngatibereke manhanga nekuti tiri manhanga. Ukada kuve zvausiri, unove tsvukukuviri.

Newewo kushaya chipfuva chine dapfura remunyepfu harusi rufu, nekuti vane zvipfuva zvinenge zvuru zvakavazvuzvurudzira kuchuru. Kushaya kwako vhudzi rinoyerera seremurungu hakureve kuti wakapusa. Kutiza vhudzi rako uchipfeka weave kuti uite semurungu ndiko kupusa.

Mwanasikana wangu, wakanaka nezvako, iyewe musikana mutema ane maziso machena anochingamidza vaenzi. Chengeta mashoko angu, uzive kuti ukada chipfambi wamedza mhodzi. Uye vamwe vaunoti vari kuzviitawo atori mashave ekumba kwavo.

Ziva kuti zvevamwe inotori mitoro.

Ndinozviziva kuti nguva inofamba, nyangwe isina makumbo. Zvaiyera nekutyisa kare, zvakayerera nekupeperutswa sehundi. Chirungu chakatirunga senyama inorungwa nemunyu, asi nditeerere unzwe.

Usatevera vanoparidza vhangeri rerunako, vanoshaya hope nekuda mucheno nekuve sexy. Iko kuti sexy unoziva here kuti kunoreva kuti unenge uchiti ndakagadzirira sex. Ukave sexy wazvivhura kuti udyiwe semaChocolates uchinyungudika. Kana wangodyiwa chete chasara kuti unosiiwa kuchimbuzi setsvina.

Ramba kunyengetedzwa kutumira mifananidzo yako wakashama. Kuve nemiganhu hakuganhure rudo rwechokwadi.

Mwanasikana wangu, ndiri kuzviona kuti tiri kuyambuka nebhiriji retekinoloji tichienda kumagumo. MaSmartphone, maComputer, Bank Cards, mota netunhu twusingapere.

Vanhu vave kunamata vanhu nezvinhu, nevinodhaka nekuvaita kuti vanzi vakapenga.

Asi iwe usazonzi wakapenga kana wakakwana. Variko vaimbi vechidiki vave kuparidza kuzviparadza. Nziyo dzavo ndedzekuzvida, mipiro yavo iri kushamisira, mabhebhi nekuita hupombwe.

Vari kuparidza ruzivo rwusina chiyedza, vari kuti Mwari haana dhiri plus haazive saSekuru Google.

Mwanasikana wangu, chirega kuzviumburudza sedhongi mudota reMake-up kuti udyirwe hunhu, isu tichida kudya keke remuchato wako. Handizive kuti chikoro chekushaya hunhu makachidzidza nguvai, asi ndinoziva kuti syllabus yenyu yakatanga nemafirimu anopembedza kuve nemari, kuda bonde nehupenzi. Tichawanepi tsika dzisina kustika?

Mwanasikana wangu, nyangwe hupenzi hukakuwisira munzeve usakiswe, kunhongeswa kana kurara nahwo. Zimdancehall inonakidza muchikururiswa nekuwayiniswa, muchifadza maFans akapfeka, asi usaitiswe, usafuridzirwe hutsi hwetsika dzinokachidza sechamba.

Ndiri kuzviona kuti kushamisira kwave neCream yePink kunge Candy Cake, uyewo vanopfeka zvinoshumira vhangeri rechipfambi vave nemaFollowers. Usanyengedzwe nevanokutengesera nyangwe nezvausingade. Usatye kunzi wakasaririra, kana kuda kuwana zvinhu ipapo ipapo.

Kana Mwari chaivo vakamirira nguva kuti ikwane kuti Jesu azozvarwa. Ziva kuti ndidye ndidye akadya zvimbishi, saka rega kuchemera zviri murongo sewanyimwa.

Kwamuri kuenda mwanasikana wangu kunondinetsa. Ikoko kwamunofamba muchiita serwaivhi, muchiteta kutsika pasi negogo refu-refu. Iva munhu mwanasikana wangu, kwete chidhori chidhuura chefeki – munhu fake, rudo fake, hupenyu fake, profile picture fake, zita fake.

Muri vana vaani kana moti nevabereki venyu “mudhara siyana neni?” Muri kuti hatitsvage Mwari, asi Mwari ndiye achatitsvaga. Bhoo zvekuti, nhasi Mwari akutsvaga.

Share This:

Sponsored Links