Musikana webasa oda kuuraya ‘garden boy’

03 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Musikana webasa oda kuuraya ‘garden boy’ Chipo Musabeka aine saga rine upfu hunonzi hwakaiswa mushonga wekuuraya makonzo apo aive kukamba yemapurisa yeMutare Central Police Station

Kwayedza

Muhamed Komboni

MUDZIMAI anoshandira mumba kuMurambi, muguta reMutare, akamiswa mudare reko achipomerwa mhosva yekuda kuuraya murume anoshanda pamba apa sa”garden boy”.

Chipo Musabeka (42) svondo rapera akamiswa pamberi pemutongi Muzvare Notebulgah Muchineripi achipomerwa mhosva yekuda kuuraya Solomon Nyadongo (21).

Zvinonzi nomusi wa20 Zvita, Nyadongo akabva pamba apa achienda muguta reMutare ndokusiya angovhara gonhi repamba paanogara asi asina kurikiya sezvo akange asina svumbunuro dzepamba ipapa.

Pakabva Nyadongo pamba apa, anonzi akasiya paina Musabeka uyo anoshanda semusikana webasa ipapo.

Musabeka ari kunzi akasara achivhura mumba munogara Nyadongo ndokuisa muchetura unouraya makonzo muupfu hwemurume uyu hwaive musaga. Nyadongo paakadzoka kwaainge aswera ari, anonzi akaronga zvokubika sadza rake asi akazovhunduka paakaona kuti upfu hwaaida kushandisa hwainge hwaiswa tumhodzi tutema-tema unova mushonga wemakonzo.

Izvi zvinonzi zvakaita kuti Nyadongo anomhan’ara nyaya iyi kumapurisa epaMutare Central Police Station zvikaita kuti Musabeka asungwe.

Saga reupfu uhwu rakachengetwa nemapurisa kuti rigozobuda mudare sehuchapupu. Mutongi Muchineripi akati Musabeka adzoke kudare nomusi wa20 Ndira apo kutongwa kwenyaya iyi kuchaenderera mberi.

Share This:

Sponsored Links