Musiyano wekutyaira nekutungamira: BEMBERA PADARE

03 Mar, 2020 - 12:03 0 Views
Musiyano wekutyaira nekutungamira: BEMBERA PADARE Wedzerai Nhemachena

Kwayedza

naWedzerai Nhemachena

Vazhinji vedu tinoziva kuti kana munhu achitungamirira mombe pakurima kana pakusakura (pakukaravheta), tinoona munhu akabata tambo ari mberi, kana kufamba zvake ari mberi, mombe dzichimutevera paanofamba napo. Panotungamirirwa mombe zvakadai, mukana wekumanza sora kana kusiya mabhan’a mushoma zvikuru.

Pakadai, mombe hadzityore chibage, kana dai chati kureyi. Mombe dzinenge dzine kuwirirana kukuru neanodzitungamirira.

Mombe dzinopinda mumuforo, dzichitevera ari mberi. Mutungamiriri wemombe pakusakura munda anobvisa zvose zvingatadzise mombe kufamba zvakanaka. Anotandanisa zvose zvingavhundutse mombe kuti dzifambe zvakanaka. Ndinoda kuti titarisezve musiyano wekutungamirira mombe nekutyaira.

Kana mombe dzichityairwa pakurima, tinoona mutyairi akabata chamboko achidzitinha, chamboko chichisimudzwa nekurovesa mombe kuti dzipinde mumuforo.

Nedzimwe nguva mombe dzinotiza negejo kana nekaravheta. Dzinotyora chibage kana kusiya dzimwe nzvimbo mumunda dzisina kurimika zvakanaka (mabhan’a). Ndipo mutyairi anosimudza izwi nehasha.

Anosimudzira izwi kumombe nemubati wegejo kana karavheta. Anogona kushandisa chamboko kurova mombe pamwe nemubati wegejo. Kana zvadai, mubati wegejo anogona kuchema kana kuramwa basa racho.

Mombe dzinogona kutiza, kuita murambamhuru chaiwo, kana kubhiridha. Kana dzikabhiridha, dzinogona kudzipwa kana kutofa dziri pajoki ndokunge dzikanonokerwa kubatsirwa.

Kana zvadai, chinangwa chemutyairi chekuti awane goho rakanaka chinopinda musango.

Ndizvo zvimwe chetewo nekuva mukuru pamusha kana pakambani. Anoratidza gwara nekuita zvaanoda kuti vari shure kwake vaite. Anovabvisira masanzu mberi kwavo, kuti vafambe pakachena uye pasingavakuvadze.

Kana zvadai, vari shure vanobata zvinangwa zvavo pamwe nezvevakuru vavo vari mberi. Asi pakaita chamboko chinouya nenzira dzakasiyana-siyana, vamwe vanotiza mudzimba kana mumakambani. Nokudaro vakuru vari mberi ngatingwarire apa tisavhundutse vanhu vedu.

CHENJEDZO:

Chamboko chinorwadza munhu wose, chinotadzisa vanhu kufunga zvakanaka pamusana pokutya kurohwa, chinoita kuti vanhu vatize mabasa avanoita nokuti mutyairi anogona kuvarova netyava. Mukudai, nzara inopinda mumusha, mukambani kana munyika. Dare rino rinongokurudzira kuti ngatifambei pamwe chete tichiwadzana, tichiratidzana gwara rakanaka. Tyava chinotyisa, uye vanhu havagadzikane pose panenge paine tyava, nokuti pane tyava chemutyairi hapana rudo kana rugare. Musha une mutungamiriri une rugare nerudo.

Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; ne BA English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>