Musona asangana naRonaldo

17 May, 2023 - 16:05 0 Views
Musona asangana naRonaldo Knowledge Musona

Kwayedza

Abel Ndooka

AIMBOVE kaputeni wemaWarriors – Knowledge Musona – nemusi weChipiri akasangana naCristiano Ronaldo apo chikwata chake cheAl Tai chakatamba necheAl Nassr mumutambo weSaudi Pro League ndokukundwa 2-0.

Mutambo uyu wakatambirwa kunhandare yePrince Abdul Aziz bin Musa’ed kuHa’il, kuSaudi Arabia pamusha peAl Tai.

Musona akatamba mutambo wose asi akakundikana kubatsira chikwata chake kuwana chibodzwa mumutambo uyo wakaona Ronaldo achinwisa kubva pabhora remugadzikirwa (penalty) mutambo watambwa maminitsi 52.

Anderson Souza Conceição uyo anonyanya kuzivikanwa saTalisca ndiye akazonwisa kechipiri mutambo watambwa mainitsi 80 ndokubva wapera uri 2-0.

Musona naRonaldo vaifanirwa kunge vakasangana kekutanga muna Ndira apo zvikwata zviviri izvi zvakasangana pamusha peAl Nassr, asi Ronaldo haana kuzotamba mutambo uyu sezvo akange ane zvirango zvaainge akatemerwa zvekuti asatambe mitambo miviri izvo akatemerwa achiri kuEngland (suspension) zvikamutevera kuSaudi Arabia.

Mutambo uyu wakatambwa muna Ndira munhandare yePrince Faisal bin Fahd Stadium iri kuRiyadh, wakaona chikwata chaMusona chichikundwa 2-0 apo Talisca akanwisa kaviri.

Cristiano Ronaldo

Mwaka uno kuAl Tai, Musona akwanisa kutamba mitambo 26 kubva pa27 yatambwa nechikwata chake uye akwanisa kunwisa kanomwe.

Kuchikwata cheAl Tai vatambi vaviri chete vanoti Amir Sayoud naGuy Carel Mbenza Kamboleke ndivo vakwanisa kunwisa kudarika Musona. Vatambi vaviri ava vese vanwisa ka10 mwaka uno.

Mutambo unotevera weAl Tai uriko svondo rinotevera musi weMuvhuro apo iri kuenda kuBuraidah kunosangana neAl Tawoon mumutambo weSaudi Pro League.

KuEngland mutambi wemaWarriors neLuton Town – Marvelous Nakamba – chikwata chake chakahwina tikiti rekutamba muEnglish Championship Playoff Final zvichitevera kukunda kwachakaita Sunderland 2-0 neChipiri chino.

Luton Town ichasangana nechikwata chichahwina pakati peMiddlesbrough neCoventry izvo zvaitamba musi weChitatu uye fainari yacho ichatambwa svondo rinotevera.

Chikwata chichahwina fainari iyi chinobva chahwina tikiti rekupinda muEnglish Premier League mwaka unotevera.

Share This:

Sponsored Links