Musona asiya kutambira maWarriors

19 May, 2022 - 20:05 0 Views
Musona asiya kutambira maWarriors Knowledge Musona

Kwayedza

Abel Ndooka

MUTAMBI wenhabvu Knowledge Musona nhasi asendeka shangu dzake dzekutambira chikwata chenyika cheZimbabwe Warriors.

Pachinyorwa chaatumira, Musona uyo ange ari mutungamiri wevatambi vemaWarriors ati ave kusiya kuti ape nguva kuchikwata chake cheAl-Tai pamwe nekupa vamwe vatambi mukana wekutambirawo maWarriors.

“Mhuri yeZimbabwe, nhasi ndokuzivisai kuti ndamira kutambira chikwata chedu chenyika chemaWarriors. Danho iri handina kuritora nyore sezvo ndange ndave nemakore 12 ndichimirira nyika yangu, iyo ndakatanga kutambira musi wa3 Kurume 2010, mumutambo uyo takasangana neSouth Africa.

“Ndave kusiya kuti ndipe nguva kuchikwata changu pamwe nekupa vamwe vatambi mukana wekumirira maWarriors.

“Ndichagara ndine ndangariro yekutambira nyika yangu ndichienda kumitambo yakaita seyeAFCON neCOSAFA Cup, nekurwira kuenda kuWorld Cup.

“Chimwe chikuru kupihwa chiremerera chekuve kaputeni kwemakore mashanu adarika,” adaro Musona.

Mutambo wekupedzisira waMusona achitambira maWarriors waive wekuAFCON musi wa18 Ndira wekuCameroon apo maWarriors akakunda Guinea 2-1 mumutambo uyo akanwisa chibodzwa chekutanga.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey