Musona, Ronaldo dhuma-dhuma

05 Jan, 2023 - 14:01 0 Views
Musona, Ronaldo dhuma-dhuma Knowledge Musona

Kwayedza

Abel Ndooka

AIMBOVE kaputeni wemaWarriors — Knowledge Musona — ane mukana wekusangana naCristiano Ronaldo apo chikwata chake cheAl Tai chichatatsurana necheAl Nassr mumutambo weSaudi Pro League.

Zvikwata zviviri izvi zvichasanga neChina svondo rino mumutambo uchatambirwa kunhandare yeAl Nassr yePrince Faisal bin Fahd Stadium kuRiyadh.

Ronaldo akatengwa neAl Nassr svondo rino uye pane fungidziro huru yekuti anogona kutamba mutambo wake wekutanga apo chikwata chake chitsva ichi, icho chinorairidzwa naRudi Garcia, chichange chiri pamusha apo chichasangana neAl Tai.

Pari zvino Al Nassr ndiyo iri kutungamira palog rekuSaudi Arabia iine zvibodzwa 26 kubva mumitambo 11 yayatamba mwaka uno.

Cristiano Ronaldo

Nerimwewo divi, Al Tai yakagara pechinomwe iine zvibodzwa 18 kubva mumitambo 11 yayatambawo mwaka uno.

Musona atamba mitambo yese 11 uye ndokukwanisa kunwisa katatu.

Akanwisa katatu aka (hat-trick) mumutambo mumwe chete apo Al Tai yakakunda Al Khaleej 3-0.

Akapedzisira kunwisa mwedzi wadarika apo Al Tai payakasangana neAL Fateh mumutambo weKing’s Cup uyo wakazopera uri mangange 2-2, ndokuzoenda kumapena uko Al Tai yakakundwa 7-6 zvakaita kuti ibve yazoburitswa mumutambo uyu.

Kuchiti Ronaldo, akaenda kuAl Naasr zvichitevera kudzingwa kwaakaitwa kuManchester United mushure mekunge ashoropodza chikwata ichi pamwe nemurairidzi wacho, Erik ten Hag, uyo waakati haamuremekedze nekuti iye akange asingamuremekedzewo.

United naTen Hag hazvina kutambira mashoko aRonaldo aya zvakanaka ndokubva vamudzingwa kuchikwata ichi apo aigadzirira kuenda kuWorld Cup nenyika yake yePortugal.

Share This:

Sponsored Links