Musonda Jnr otevera matsimba ababa vake

23 May, 2024 - 14:05 0 Views
Musonda Jnr otevera matsimba ababa vake Clyde Musonda Snr aine mwanakomana wake Clyde Musonda Jnr

Kwayedza

Abel Ndooka

MUTAMBI weTaekwondo wechidiki ari kusimukira – Clyde Musonda Jnr (7) – anoti zvakakosha kuti vabereki vatsigire matarenda evana vavo anosanganisira zvipo zvemitambo yakasiyana.

Musonda Jnr mwana wapuromota wetsiva ane mukurumbira – Clyde Musonda Snr – weDeltaforce Boxing uyo anove murairidzi ari maneja zvekare wevatambi vetsiva vanosanganisira Kudakwashe ‘Takemoney’ Chiwandire.

Nguva pfupi yadarika, Musonda Jnr — uyo ari kuita zvidzidzo zveGrade 2 — akahwina menduru yegoridhe kumutambo weNational Taekwondo Championship, Korean Ambassador’s Cup wakatambirwa paBelvedere Teachers College, muguta reHarare.

Izvi zvakaona achiwana tikiti rekuenda kunokwikwidza kuSwaziland munaChikumi.

Muhurukuro neKwayedza, Musonda Jnr anoti sezvo akakurira mumhuri yezvemitambo, anofarirawo zvetaekwondo uye rutsigiro rwaanowana kubva kuvabereki vake nekudaro anoshuvira kusvika kure mumutambo uyu.

“Semwana akakura nababa vanoita zvetsiva, baba vangu vaindidzidzisa tsiva asi ndazoenda kuchikoro ndakatanga kufarira taekwondo iyo yandiri kutamba nhasi uno. Ndinofara kuti ndiri kuwana rutsigiro kubva kumhuri yangu iyo inouya kuzonditsigira pese pandinotamba.

“Vabereki tinoda chaizvo kuti mutikoshese matarenda edu uye mumire nesu patinenge tichiita zvemitambo,” anodaro Musonda Jnr.

Kubva atanga kukwikwidza, Musonda Jnr akapinda mumitambo inosanganisira wekuKwekwe uko akahwina menduru yebhuronzi akazoenda kuMarondera akahwina yesirivha nemuHarare kuNational Taekwondo Championship Korean Ambassador’s Cup akahwina yegoridhe.

Musonda Snr anoti zvinofadza kuona mwana wake achiita zvemitambo uye ndokurudzira vamwe vabereki kuti vatsigire zvipo zvevana vavo.

“Ini mwanakomana wangu mazuva ese ndaimudzidzisa tsiva nekuti ndaida kuti agokure achitamba tsiva asi ndakazoshamisika ndichishevedzwa kuchikoro kwaanodzidza nemurairidzi wake achindiudza kuti mwana wangu anotamba taekwondo uye ishasha.

“Ndakangoti semubereki kana uriwo mutambo waanofarira regai ndimutsigire nekuti tinoda kuona vana vedu vachibudirira mumitambo yakasiyana,” anodaro Musonda.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey