Musoro webhuku

16 Aug, 2019 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza
SVONDO rino tichatanga kuongorora kupindirana kwemusoro webhuku nerungano rwunoti Gona ReChimurenga. Tichaita izvi tichishandisa mubvunzo unotevera;

Tsanangura kupindirana kwemusoro webhuku nenyaya iri mubhuku Gona ReChimurenga.

Pamubvunzo wakadai unofanira kutanga nekutsanangura zvinoreva musoro webhuku sekuunzwisisa kwako usingashandise mienzaniso inobva munyaya. Wadaro unobva watanga kupindura mubvunzo.

Gona ReChimurenga dzaive pfuti dzaishandiswa nemagandanga kurwisa vachana.

Gona zvinoreva chinhu chinobatsira kuti zvimwe zvinhu zvifambe nyore. Chimurenga ihondo yakarwiwa pakati pevanhu vatema nevachena.

Kuuraiwa kwemurungu aive pabhiza nepfuti kunozadzisa kuti yaive Gona reChimurenga. Izvi tinozviona panosvika mabhuku kurwizi kwaigezera Mabhunu, Shamwariyeropa naMasango. Mabhunu anosvika akatasva mabhiza zvinoita kuti mumwe wavo azopfuurwa nepfuti naMabhunu pavanenge vave kudzokera.

Mabhunu anotaura achiti pfuti yaaishandisa muhondo yaitaura yega kuti yaive gona reChimurenga. Tinozvinzwa pavanenge vave munzira vakananga kwaRota parwendo rwekutanga achiti, “Isu vanamukoma taive musango takapakatira masabhu. Rangu rainge risina hurukuro. Waiti ukariona kana kurinzwa waibva waziva kuti ndiro gona reChimurenga.”

Kutorerwa pfuti kunoitwa muGuard Force kunozadzisa musoro webhuku wekuti Gona ReChimurenga. Tinozviona apo muGuard Force anenge ave kutevera Mabhunu achimhanya ndokubva vasanganidzana. MuGuard Force anoshaya zvekutaura zvekuti anosvika pakutorerwa pfuti yaainge akabata mumaoko naMabhunu.

Vachena vakanga vapedzwa muhondo negona reChimurenga zvinozadzisa musoro webhuku.

Tinonzwa izvi panopfuura mabhunu akazadza motokari nhatu dzehondo zvinove zvinoita kuti munyori azoti, “Vamwe vakange vapedzwa negona reChimurenga mberi ikoko ndosaka mota idzi dzaimhanya chaizvo.”

Tinoenderera mberi nemubvunzo uyu svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links