Musoro webhuku

15 Feb, 2019 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza
KUPINDIRANA kwemusoro webhuku nerungano:

Kana uchiongorora kupindirana kwemusoro webhuku nerungano pane chinhu chimwe chete chaunofanira kunyanya kucherechedza. Tanga nekutsanangura kuti musoro webhuku unorevei sekunzwisisa kwaunenge waita. Izvi unozviita usingashandise mazita evatambi vari murungano, zvirungamutauro zvakafanana netsumo, nyaudzosingwi, madimikira, enzaniso, fananidzo nezvimwewo.

Zvakare, haufanire kudzokorora zviri pamusoro webhuku semaumbirwo awo. Wadaro unokurudzirwa kunyurura pfungwa dzinenge dzichibuda murungano dzinopindirana nezvinenge zvichienderana nemusoro wenyaya wobva wapa tsigiro inobva murungano.

Musoro webhuku unoti Manyambiri unoreva vanhu vanozvarwa panguva imwe chete vari vaviri, zuva rimwe chete, namai vamwe chete. Dzimwe nguva vanhu ava vanogona kunzi zvakare mapatya.

Musoro wekuti Manyambiri unoburitswa murungano nekuzvarwa kwaPaida naPaido.  Tinozvinzwa panonzi Ndakasemwa naRufuse vakanga vazvara mapatya mushure menguva refu vachinetseka kuwana mbereko. Kufanana kunenge kwakaita Paida naPaido kunojekesa zvikuru kuti aive manyambiri. Tinonzwa kuti Paida naPaido vakanga vakafanana zvekuti hapana aigona kunyatsoziva kuti uyu ndiani uyu ndiani dai vakanga vasina kuiswa zvifumuro panhengo dzomuviri dzakasiyana.

Tinopedzisa kupindirana kwemusoro webhuku nerungano svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links