Uncategorized

Musoro wemunhu woitwa ‘bhora’

02 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
Musoro wemunhu woitwa ‘bhora’ Vana vachitamba nedeheny’a remusoro wemunhu.

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUNYAYA isati yanyatsonzwisisika, pane vana vekumapurazi akagariswa vanhu patsva kwaRoy, kuMasvingo, avo vakawanikwa vachitotambisa dehenya riri kufungidzirwa kuti musoro wemunhu – vachitouita sebhora.

Izvi zvakaitika mubhuku rekwaMugabe, mudunhu raMambo Chikwanda, uko vagari veko vari kutadza kunzwisisa manenji aya.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo, Assistant Inspector Kudakwashe Dhewa, vanotsinhira nyaya iyi vachiti iri kuferefetwa kuti muridzi wedehenya iri azivikanwe.

Assistant Inspector Kudakwashe Dhewa

Vanoti nemusi wa28 Gumiguru nenguva dzemangwani, vanasikana vaviri – wemakore 11 newemakore mashanu okuberekwa – vepaPlot 23 papurazi reLothian vakaenda kunotsvaga huni musango apo vakazoona dehenya rinofungidzirwa kuti nderemunhu.

Asst Insp Dhewa vanoti sezvo musango mavaitsvaga huni makanga muchangobva mukutsva, musikana mukuru wemakore 11 anonzi akatora dehenya iri achifungira kuti nderemhuka ndokutanga kuritambisa.

“Mushure mazvo, musikana mukuru uyu anonzi akazofananidza ndokuva nekufungidzira kuti pamwe idehenya remunhu apo vakazotiza panzvimbo iyi ndokuzosangana naSimbarashe Chirambadare (26) anova murindi (gadhi) munzvimbo iyi,” vanodaro.

Simbarashe Chirambadare

Chirambadare – uyo anogara paPlot 23 – anonzi akazomhan’ara nyaya iyi kumapurisa.

“Vanhu ava pamwe chete nemapurisa vakazotanga kutsvaga mamwe marangwanda emufi munzvimbo iyi asi vakaashaya. Mapurisa akatora dehenya iri rikaendeswa kuchipatara cheMasvingo kuti rinoongororwa namachiremba apo kuferefetwa kwenyaya iyi kuri kufambira mberi,” vanodaro.

Muhurukuro neKwayedza, Chirambadare anoti akashamiswa zvikuru apo aida kudarika nepanzvimbo yaiva nevana ava ndokuona kuti vaitamba nedehenya iri.

“Ndaibva zvangu kutaundishipi yekwaRoy ndokudarika nepaiva netuvana tudiki ndokuona kuti vana ava vaitamba nedehenya iri,” anodaro Chirambadare.

Anoenderera mberi achiti, “Dehenya iri harisisina mazino. Ini ndakaritarisa ndikatoona kuti musoro wemunhu asi hausisina mazino mukati uye unoratidza kuti munhu uyu akafa kare,” anodaro.

Chirambadare anoti pamunda pakawanikwa vana ava vachitambira, panogara pachirimwa zvinoratidza kuti pamwe deheny’a iri rakatobviswa kumasango ariko richiunzwa panzvimbo iyi.

Votaura nezvenyaya iyi, VaGeorge Kandiyero – avo vanova mukuru wesangano reZinatha – vanoti kuwanikwa kwemutumbi wemunhu wawora kana dehenya zvinopa minyama, nekudaro nzvimbo iyi inoda kuchenurwa nevanoziva chivanhu.

VaGeorge Kandiyero

“Mapurisa vachiita basa ravo, isu pachivanhu tinoda kuti nzvimbo iyi ichenurwe uyewo hazvizivikanwe kuti munhu uyu akafa nei. Pamwe musoro uyu wakazokandwa mufi uyu aitwa zvekuchekereswa saka mhepo dzinoda kutaramutswa munzvimbo iyi. Zvikarega kuitwa mvura hainaye mudunhu irori,” vanodaro.

Zvichakadai, nguva pfupi yadarika mumwe murume wekwaMutare akamiswa mudare raMambo Saunyama apo aipomerwa kushandisa dehenya rinofungidzirwa kuti nderemunhu sedivisi rekurima mushure mekunge rawanikwa riri mumunda make.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey