Uncategorized

‘Musoro wemwana uri kun’anga’

28 Sep, 2020 - 15:09 0 Views
‘Musoro wemwana uri kun’anga’ Asst Comm Nyathi

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) vasunga munhu wechipiri munyaya yekupondwa kwemwana wekwaMurehwa uyo anonzi ndiye akaendesa musoro wekamwana aka kun’anga kuti unoshandiswa mukuchekeresa zvemabhizimisi.

Svondo rapera mapurisa vakazivisa nezvekusungwa kwaTafadzwa Shamba (40) nemhosva yekuponda iyi.

Musungwa wechipiri ndiTapiwa Makore (Snr) uyo watisati taziva makore ake ekuberekwa asi ari sazita wemwana wekupondwa – Tapiwa Makore (7) – zvakare ari babamukuru vake.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti Tapiwa Makore (Snr) akasungwa nemusi weChishanu nemhosva yaari kupomerwa yekubatsira mukuponda mwana uyu.

“Tasunga munhu wechipiri nenyaya yemwana wekupondwa kwaMurehwa. Uyu anonzi Tapiwa Makore ane zita rimwe chete neremwana akapondwa.

“Mukuferefeta kwatiri kuita, zviri kubuda pachena kuti musungwa uyu ndiye anonzi akatakura musoro uyu akaenda nawo kun’anga kunoita chivanhu chavo ikoko. Tiri kufambira mberi nekuferefeta nyaya iyi kusvikira vose vane chekuita nekufa kwemwana uyu vasungwa,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Mutungamiri wenyika President Mnangagwa nemusi weChishanu vakashora zvikuru mhondi dzinoita tsika yekuuraya vana nechinangwa chekuda kuchekeresa nhengo dzemiviri yavo.

Vachitaura pachirongwa chepadandemutande nemakurukota edare revechidiki reCabinet (Junior Cabinet), President Mnangagwa vanoti mhondi dzakadai dzinofanirwa kurangwa zvakasimba nemutemo.

Mwana Tapiwa Makore anonzi akatsakatika apo ainge anorinda bindu remuriwo revabereki vake.

Anonzi akazotorwa nemabhinya kana kuti madzuramwoyo avo vakanomuponda ndokubvisa musoro, makumbo, mawoko nemagadziko izvo zvisati zvawanikwa.

Mutumbi wemwana uyu – uyo wakazowanikwa uchizvuzvurudzwa nembwa dzemumusha ikoko kwadarika zuva rimwe chete ashaikwa – hausati wavigwa sezvo mapurisa achiri kuferefeta nyaya iyi uye wakachengetwa mumochari yechipatara chekwaMurehwa.

Guva raTapiwa Makore raiva racherwa rakatofushirwa vemhuri yake vachimirira kuferefetwa kuri kuitwa nyaya iyi.

Zvichakadai, Shamba anonzi svondo rapera akaenda kumhuri yemushakabvu uyu aine mapurisa ndokunokumbira ruregerero achiti ndiye akaponda mwana wavo.

Shamba anonzi anga ari mufudzi wemombe dzaTapiwa Makore (Snr) uko aigara uye ndiko kunemba yakazowanikwa iine mbatya dzake dzine ropa idzo ainge akapfeka musi wapondwa kamwana aka.

Mbatya dzine ropa idzi dzinonzi dzaiva mumba mababamukuru vekusungwa ava.

Shamba anonzi ari kutaura kuti dzimwe nhengo dzemwana uyu akadziisa mupurasitiki dema iro akazosiya avhara nemasanzu musango reko, mumwe wake ndokuenda nemusoro. Asi purasitiki iri rakashaikwa panzvimbo inotaurwa nemusungwa uyu.

Mamwe mashoko anoti musoro wemwana uyu wakaendwa nawo kuHarare nemumwewo murume aive nemotokari yeHonda Fit ine ruvara rweblue.

Mai Beaulla Musupai (48), vanova ambuya vemushakabvu, vanoti mhuri yekwaShamba yakazonozvipira kuna kanzura weko, ndokuperekedzwa kunobata mawoko nekukumbira ruregerero.

Nezuro mhuri yekwaShamba yainzi iri kubatsira parufu rwemwana asati azivikanwa kuti chavigwa rinhi uyu uye vakatoendesa huni dzekushandisa parufu.

Vabereki vaTafadzwa Shamba vanonzi vakashaya.

“Izvozvi muchitaura neni kudai, vekwaShamba vaunza huni dzekushandisa parufu. Mwana wedu wekupondwa anga ari ndiye mukomana bedzi mumba mavo – kunoti musikana, kwouya iye, kwozoti kamwe kasikana,” vanodaro Mai Musupai.

Vanotenda rubatsiro rwavari kuwana kubva kuruzhinji.

Baba vemwana wekupondwa, VaMunyaradzi Makore avo vanoitwa munin’ina nemusungwa wechipiri munyaya iyi, havasati vokwanisa kutaura zvakawanda nekurwadziwa kunze kwekungotenda veruzhinji nekuvabatsira kwavari kuita.

“Ndinongoti dai vanhu vakaponda mwana wangu vakwanisa kusungwa vose nekukasika. Ndinotenda veruzhinji netsiye nyoro dzavo,” vanodaro.

Vanoda kubatsira mhuri iyi vanoshandisa nhare dzeEcoCash dzinoti 0774 062 349 dzine zita raBeaulla Musupai.

Share This:

Sponsored Links