Musoro wemwana wakatengeswa US$1 500

26 Sep, 2020 - 11:09 0 Views
Musoro wemwana wakatengeswa US$1 500 Tafadzwa Shamba (40), wekutengesa musoro wemwana.

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wekwaMurehwa wekusungwa nemapurisa nemhosva yekuponda kamwana keko kane makore manomwe ekuberekwa nechinangwa chekukachekeresa anonzi akavimbiswa kubhadharwa US$1 500 yemusoro wemwana uyu.

Mutumbi wemwana uyu, Tapiwa Makore (7), wakazonhongwa nevanhu vemunharaunda nemapurisa apo wainge wodyiwa nembwa kwangodarika zuva rimwe chete abva mukushaikwa, asi wainge wakabviswa musoro, maoko nemakumbo ose pamwe chete nemagadziko.

Musoro wemwana uyu unonzi wakaendwa nawo nemumwe wevanhu ava anonzi anogara kwaJuru Growth Point uyo anonzi ainge avimbisa musungwa Tafadzwa Shamba (40) kuti aizodzoka achimubhadhara US$1 500.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi vanozivisa nezvekusungwa kwaShamba nemhosva mbiri dzinoti yekubipitira nechisimba neye kuponda Tapiwa.

Vanoti mhondi idzi dzakapara mhosva iyi dziri nhatu asi vamwe vaviri havasati vasungwa uye mapurisa ari kuvavhima nemeso matsvuku.

“Mapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) asunga Tafadzwa Shamba, uyo anova mugari uye mufudzi wemombe mumusha mumwe chetewo waigara mwana wekupondwa. Vamwe vake vaviri vachiri kutiza uye havasati vasungwa.

“Zvinonzi musungwa Shamba nevamwe vake vaviri avo vasati vasungwa vakahwandira Tapiwa kumagadheni, ndokumupikura nechisimba vakaenda naye mugomo umo vakanoswera naye zuva rose. Vakazoponda mwana uyu husiku hwezuva iroro, mumwe wavo anobva kwaJuru Growth Point ndokuenda nemusoro/deheny’a achisiya Shamba aine dzimwe nhengo dzemuviri wemwana apo akavimbisa kudzoka achimubhadhara $1 500,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Mapurisa akawana mbatya dzizere ropa idzo dzainge dzakapfekwa naShamba zuva ravanonzi vakaponda mwana uyu.

Tapiwa anga achidzidza Grade 1 paNyamutumbu Primary School uye musi weChina svondo rapera akagadzirirwa mbuva yekunodya achinzi anorinda bindu revabereki vake. Ndipo paakagumisira kuonekwa.

Zuva remangwana racho, mumwewo mugari wemumusha umu anoti akashamiswa kuona imbwa yake ichizvuzvurudza mutumbi wemunhu uyo wainge usina musoro, maoko nemakumbo ose.

Mapurisa nevanhu vemunharaunda vakazonhongawo chanza cheruoko icho chinoratidza kuti chakapiswa nemoto, madeheny’a emusoro – rimwe racho risina shaya, mazino epasi nechirebvu uye richiri nyoro nedzimwe nhengo dzemuviri dzinosanganisira chidimbu cheshaya nechirebvu zvine mazino manomwe epasi.

Asst Comm Nyathi vaudza Kwayedza mangwanani anhasi kuti hapana zvimwe zvitsva zvati zvavapo mukuferefetwa kwemhosva iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey