Musungwa azviuraya mujeri

13 May, 2022 - 17:05 0 Views
Musungwa azviuraya mujeri Inspector Glory Banda

Kwayedza

Leonard Ncube ari kuVictoria Falls

MURUME anga achipika jeri kuHwange Prison kudunhu reMatabeleland North anonzi akazvisungirira nejira muchimbuzi ndokufa apo aipikira mhosva dzakasiyana dzaakapara munaMbudzi gore rakapera.

Liberty Nkomazana (24) anonzi aipika mwedzi mipfumbamwe nekuda kwemhosva dzinoti kuda kuponda, kukuvadza munhu nekuparadza midziyo.

Anonzi aifanirwa kuzobuda mujeri umu nemusi wa29 Chikunguru gore rino.

Svondo rakapera, semunhu aiva atarisana nekubuda mujeri mumwedzi miviri iri kutevera, Nkomazana anonzi akabviswa mujeri rinogara rakachengetedzwa ndokutanga kuita mabasa akasununguka.

Anonzi akapihwa basa rekupota achipa vasungwa vatsva mbatya dzemujeri nekuchengetedza mbatya dzavo kuti dzisadonhe pawaya apo dzaiva dzakayanikwa.

Zvinonzi nemusi uyu, Nkomazana aiva apedza basa raaiva apihwa rekugovera musungwa mutsva mbatya ndokuenda kunogara pachivanze chepajeri.

Murindi wepajeri aiva pabasa aitenderera achiona mafambiro aiita zvinhu, ndiye anonzi akazoona mutumbi waNkomazana muchimbuzi.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMatabeleland North, Inspector Glory Banda, vanotsinhira nyaya iyi uye ndokuzodarikidza mimwe mibvunzo kuchikamu chinodyidzana neruzhinji chemajeri cheZimbabwe Prisons and Correctional Services (ZPCS).

Mutauriri weZPCS, Superitendent Meya Khanyezi, havana kukwanisa kubatika panhare yavo.

Superitendent Meya Khanyezi,

Asi mumwe anoziva nezvenyaya iyi kuHwange Prison, anoti Nkomazana akazvisungirira nemusi wa2 Chivabvu rinova zuva raakabviswa kujeri rinochengetedzwa achinzi abatsire mukupa vasungwa vatsva mbatya.

Danho iri rinonzi rakaona achitokwidziridzwa mumabasa emujeri.

Murindi wejeri akaona mutumbi waNkomazana anonzi Donald Munga apo mutumbi uyu unonzi waiva wakasungwa netambo yakagadzirwa nejira yakasungirwa papombi.

Mutumbi uyu unonzi waiva wakagara pasi.

Wakazoendeswa kuchipatara cheUnited Bulawayo Hospitals.

Share This:

Sponsored Links